VaRamaphosa Vokwikwidzana naAmai Nkosazana Dlamini Zuma Musarudzo yeMutungamiri weANC

VaCyril Ramaphosa

Vanhu vakawanda vakateya nzeve dzavo kuSouth Africa kuti vanzwe zvichabuda musarudzo yehutungamiri hutsva hwebato reANC.

Mutungamiri we ANC, VaJacob Zuma, havasi kukwikwidza sezvo bumbiro remitemo yebato risingavabvumidze kutungamira bato iri kwematemu anodarika maviri.

Vari kukwikwidza chigaro chemutungamiri webato re ANC, ndiVaCyril Ramaphosa, vanova mutevedzeri wemutungamiri wenyika pari zvino, pamwe nevaimbove gurukota rezvekunze kwe South Africa, Amai Nkosazana Dlamini Zuma, avo vaimbove mudzimai wemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

VaRamaphosa vakadomwa nemabhuranji chiuru chine mazana mana nemakumi matanhatu nemapfumbamwe, ukuwo Amai Dlamini-Zuma vakadomwawo nemabhuranji chiuru nemakumi mapfumbamwe nemana.

Vanhu vari kuvhota musarudzo iyi vanosvika zviuru zvina nemazana manomwe.

Vari kukwikwidza pachigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato ndiVaDavid Mabuza, naMuzvare Lindiwe Sisulu.

Vari kukwikwidza chigaro chasachigaro ndiVa Gwede Mantashe na Nathi Mthethwa, ukuwo VaSenzo Mchunu naVa Ace Magashule ndivo vari kukwikwidza chigaro chemunyori mukuru webato.

Vari kuda chigaro chemubati wehomwe ndiVa Paul Mashatile, pamwe na Maite Nkoana Mashabane

Hutungamiri hutsva hwe ANC huri kutarisirwa kuziviswa neMuvhuro.

Bato reANC ndiro chete ratonga South Africa kubva nyika iyi yawana kuzvitonga muna 1994, apo muchakabvu VaNelson Mandela, vakavhoterwa semutungamiri wenyika muna 1994.

Nyanzvi mune zvamatongerwo enyika, uye vari mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, Va Dehwa Mavhinga, vanoti pari zvino vanhu vese vakamirira kunzwa zvichabuda mukuverengwa kwemavhoti.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Dewa Mavhinga