Manheru anezuro, mapurisa akazivisa kuti varambidza kuratidzira kurikuda kuitwa nhasi nebato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.
Masvondo maviri apfuura, MDC yakaronga kuratidzira muguta reHarare ikazivisa mapurisa kuti vatsigiri vayo vacharatidzira nhasi, 16 Nyamavhuvhu.
Bepanhau reHerald rinoti mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati kuratidzira uku hakubvumidzwe uye anenge asina kuteerera izvi achasungwa.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vaudza mutori wenhau weReuters kuti kuratidzira kuchaenderera mberi sekurongwa kwakaitwa nebato ravo, vachiti bumbiro remutemo rinoti vanofanirwa kuzivisa mapurisa, sezvavakaita, kuti mapurisa achengetedze runyararo.
Munyori weMDC, VaCharlton Hwende, vaudza Studio 7 kuti hapana chinokonesa kuratidzira kwanhasi, vachikurudzira vanhu kuti vauye kuzoratidzira sekurongwa kwakagara kwaitwa nebato ravo.
Your browser doesn’t support HTML5
Zvichakadaro, gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye varimukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti basa guru remapurisa nderekuchengetedza mutemo, kwete kupa zvikonzero zvekuti vanhu vasaratidzira sezvo kuratidzira kuchibvumidzwa nebumbiro remutemo wenyika.
VaMavhinga vati zvaitwa nemapurisa izvi pamwe chete nemaitiro avo zvinogona kutozokonzera kuti zvinhu zvivhiringike sezvo vaifanirwa kutaura zvekurambidzwa kwekutaridzira uku nguva ichipo kuitira kuti vanhu vapiwe nguva yekuziviswa.
Your browser doesn’t support HTML5
Pavanzwa zvataurwa nemapurisa, mutungamiriri weMDC, VaNelson Chamisa, vabva vabudisa mashoko kuvatori venhau vachiti kuratidzira kwanhasi kunoenderera mberi.
VaChamisa vati zuva ranhasi rinokosha mukurwira kwevanhu kodzero dzavo pasina mhirizhonga, vachiti hurumende iripamutemo ndiyo yega inokwanisa kugadzirisa zvichemo zvevanhu.