Mapurisa Akarova Mutori weNhau Oshorwa Zvakadzama

Mapurisa, Harare, Zimbabwe

Masangano anomirira vatapi venhau ashora mapurisa eZimbabwe Republica Police nekurova kwaakaita mutori wenhau we263Chat, Costa Nkomo, neChitatu apo aiita basa rake.

VaNkomo vanoti vaitora mifananidzo yemapurisa achirwisana nevanotengesa mumigwagwa mukati meguta apo mapurisa akamurova zvakaipisisa.

Nkomo audza Studio7 kuti akazorega kurohwa mushure mekunge aburitsa kadhi rake rebasa.

Aka hakasi kekutanga mapurisa achiita izvi.

Mukati memwedzi mitatu yapfuura, pane vatapi vanhau vakawanda vakarohwa kana kusungwa vachiita basa ravo vazhinji vavo muguta reHarare.

Mukuru wesangano reMedia Institute for Souther Africa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nekuita kwakadai uko vanoti kwave kuenderera mberi.

VaMoyo vashora kuita kwakadai vachiti vachiti vatapi venhau vese ava vari kushungurudzwa kana kusungwa vachiita basa ravo zviri pamutemo.

Vati zvakakosha kuti hurumende yeZimbabwe ichengetedza vatapi venhau nekodzero dzavo.

Munyori mukuru musangano reYoung Journalists Association, VaPhilemon Jambaya, avo vakarohwawo nemapurisa muna Zvita, vashora kuita kwemapurisa vachiti mapurisa anofanira kuremekedza vatori venhau pabasa ravo.

Mwedzi wapfuura, mutongi wedare reHigh Court, Justice Nyaradzo Munangati-Manongwa, vakapa mutongo wekuti mapurisa adzorere michina yekutora mifananidzo yaainge atorera vatapi venhau Hebert Sithole naPanashe Mukuta apo vaiita basa ravo muHarare.

Pamutongo wavo, Justice Munangati Manogwa vakati kuita kwemapurisa kwainge kusiri pamutemo.

Mapurisa akatodzerera michina iyi kuvatapi venhau.

MISA Zimbabwe inoti gore rapfuura pane vatapi venhau makumi matatu nevana vakasungwa kana kurohwa vachiita basa ravo zviri pamutemo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya