Mapurisa Oferefeta Kupondwa kweVana Vaviri kuManicaland

  • Blessing Zulu

VaTrevor Saruwaka

Mumiriri weMutasa Central muNational Assembly, VaTrevor Saruwaka, vanoti ichokwadi kuti pane vana vaviri vakapondwa mudunhu ravo.

Vana ava vanonzi vaidzidza paMbadza Primary School mumusha weSadziwa kuMutasa Central, Manicaland.

Vana ava vanonzi vakapondwa vakakandwa muchimbuzi inova nyaya inonzi yakatyamadza nekushungurudza vagari vemunzvimbo iyi.

Vana ava vainge vaine hukama uye vainge vachangobva kuchikoro pavakapondwa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vatotanga kuferefeta nyaya iyi.

Ngatinzweyi zvizhinji kubva muhurukuro yaitwa Blessing Zulu weStudio 7 naVaSaruwaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTrevor Saruwaka