Mapurisa Anosunga Makanzura eGuta reHarare

Meya veHarare, VaJacob Mafume

Mapurisa anonzi akange atumwa nesangano rinorwisa zvehuori, reZimbabwe Anti-Corruption Commission, akapinda zvechisimba mumusangano weHarare City Council akasunga makanzura gumi nemumwe, kusanganisa vatori venhau vatatu.

Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti mapurisa akapinda mange muchiitirwa musangano wekanzuru akasunga makanzura nevatori venhau akaenda navo kuHarare Police Station.

VaMafume vanoti mapurisa haana wavakatsanangurira kuti sei vanhu vese ava vari kusungwa.

Vati, sekuziva kwavo, vanhu vese vakange vatorwa nemapurisa vakazosunungurwa, vachiti vachataura nevakuru vakuru mubazi rematunhu pamusoro penyaya iyi.

Tatadza kubata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwe divi remapurisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume