Vamwe Vokurudzira Kusimbiswa kwekuChengetedzwa kweMutungamiri weNyika

Zimbabwe Explosion

Dzimwe nyanzvi dzechiuto dzinoti kuchengetedzo kwemutungamiri wenyika hakuna kusimba sezvinotarisirwa nekuti vanochengetedza vacho havana ruzivo nekudzidziswa basa iri zvakadzama sezvo vakawanda vavo vari vechiuto.

Zvichitevera kuputika kwakaita chinofungidzirwa kuti chombo chikakuvadza vanhu vanosvika makumi mana nevapfumbamwe neMugovera munhandare yeWhite City kuBulawayo pakupera kwemusangano webato reZanu PF, nyanzvi munyaya dzezvekuchengetedzwa kwevakuru vakuru dzinoti zviri kuitika hazvishamise sezvo kuchengetedzwa kwemutungamiri wenyika kuri zinyekenyeke.

Nyanzvi idzi dzinopa muenzaniso wemunhu akaenda paitaura mutungamiri wenyika kumusangano wekuGweru akabata VaEmmerson Mnangagwa kumusana semucherochedzo wekusasimba kwekuchengetedzwa kwavo.

Vaimbove mupurisa mukuru vakasiya basa gore rapera, VaOnisimo Ngirandi, vanoti mukuru wenyika ave kuchengetedzwa nemauto ayo vanoti haana ruzivo rwakadzama nekuchengetedzwa kwepedyo, kana kuti close security, kwemutungamiri wenyika.

VaNgirandi vanoti vanochengetedza mutungamiri wenyika vanofanirwa kunge vakadzidzira basa iri kunyika dzakaita se Israel ne Egypt, idzo dzakadzidzisa vakawanda kusanganisira ivo vaichengetedza vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Asi vamwe vanoti zvakaitika kuBulawayo ndezvemugotsi matsuro sezvo chiri chiitiko chekunyepera.

VaCanisius Muremba, avo vakarwa muhondo yerusununguko kudivi reZIPRA, vanoti dai rainge riri girinedhi chairo sezviri kufungidzirwa nevamwe, ringadai rakauraya vanhu vakawanda vainge vari mukati memamita matanhatu kusanganisira VaMnangagwa.

VaMuremba vanoti chiri kunyanya kushamisa ndechekuti hapana ari kusungwa saka vakawanda vave kubvunza kuti ndiyani muvengi waVaMnangagwa chaiye.

Mahofisi aVaMnangagwa akambopindwa zvisiri pamutemo gore rapera apo vainge vachiri mutevedzeri wemutungamiri wenyika asi hapana akasungwa.

Imwe nyanzvi yezvechiuto yaramba kudomwa nezita sezvo ichiri muchiuto inoti zviri pachena kuti bhambu rinonzi rakaputika harina kukandwa sezvo rakaputika richibva pasi.

Nyanzvi iyi inoti chombo chakaputika chinofanirwa kunge chakakagadzirwa nemunhuwo zvake sezvo pakaitwa basa risina hunyanzvi.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murwi wehondo yerusununguko VaTinashe Chinengundu, avo vanoti dai riri bhambu chairo pangadai pakafiwa nekuparadzwa kwezvinhu zvakawanda.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaChristopher Chirimuta, vanoti mapurisa nemasoja hapana zvavakaita zvine chekuita nekutarisa kuti hapachisina here rimwe bhambu uye vanoti havanzwisise kuti sei munhu akatora vhidhiyo iri kutenderera asina kutya sezvo akaramba achingotora mifananidzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaIbbo Mandaza, vanoti vari kushamisikawo nemashoko ari kubuda ekuti bhambu rainge rakateyerwa VaMnangagwa chete sezvinonzi vatevedzeri vavo havana basa. VaMandaza vanoti vatevedzeri vemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi vakakosha zvakafanana naVaMnangagwa.

Vakawanda vari kushamisikawo nezviri kuitika zvakafanana nekuburitswa kwemumhanzi uri kutaura nezvekubhombwa kwakaitika kuBulawayo pasina zuva rimwechete pamwe nehuwandu hwevanhu vari kunzi vakakuvara asi vamwe vanoti vanhu vasingadarike makumi maviri vakakuvara muchiitiko ichi.