Masangano evashandi vehurumende ari kupa maonero akasiyana siyana pamusoro pedanho raziviswa nehurumende rekuti yave kuzotanga kupa vashandi vayo mari dzemabhonasi.
Mari idzi dzaifanirwa kunge dzakapiwa vashandi ava muna Mbudzi wegore rapera. ASi hurumende inoti yava kutanga kupa vashandi vayo mabhonasi aya kubva mwedzi uno Kukadzi kusvika muna Chivabvu.
Sangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe, kuburikidza negwaro raraburitsa, rinoti rinotambira danho iri senzira yekutambira kwehurumende kuti yakundwa nesimba revashandi.
Sangano iri rinoti rakanga razivisa kuti hurumende ikasvika musi wa 15 Kukadzi isina kuzivisa paimire panyaya iyi, nhengo dzaro dzaizotanga kuramwa mabasa musi wa 26 Kukadzi.
Asi sangano iri rinoti richakamirira kunzwa kuhurumende mazuva chaiwo achawanikwa mari idzi.
Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinotiwo hapana chekupemberera sezvo mari iyi yagara ichifanirwa kunge yakatowanikwa nevashandi mwedzi ingada kusvika mitatu yadarika.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vazivisa mubepenhau reHerald kuti hurumende ichazivisa mazuva chaiwo achapiwa vashandi mari dzavo zvichienderana nemari inenge yawanikwa.
Vari muchiuto ndivo vavati vachatanga kuwana mari iyi mwedzi uno, Kukadzi, vachiteverwa nevari muchipurisa nevanochengetedza majeri nevari mubazi rehutano avo vachipwa mari idzi muna Kurume.
Vari mubazi rezvedzidzo vanozopiwa mabhonasi avo muna Kubvumbi, kwozoti vamwe vose vashandi vehurumende vachizowana mari idzi muna Chivabvu.
Studio 7 haina kukwanisa kubata VaChinamasa kuti tinzwe divi ravo.
Asi mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti hurumende haisi kutarisa zvichemo zvevashandi vayo zvagara zviripo nakare.
“Havasi kutaura nezvemihoro yevashandi vehurumende isati yakwidzwa kwemakore akawanda, pekugara pevashandi nezvimwe zvakadaro,” VaZhou vanodaro.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTakavafira Zhou
Ukuwo, mukuru wePublic Service Association, Amai Cecilia Alexander, vanotiwo sangano ravo rinoshushikana zvikuru nenyaya yekuti hurumende haisi kushandisa nzira chaidzo kutaura nevashandi vayo.
“Zvizhinji tinozoita zvekunzwa kuburikidza nemapepanhau asi ipo paine nzira dzekuti hurumende itaure nesu sevashandi vayo,” vanodaro Amai Alexander.
Vanoti havakwanisi kutambira zvabuda mumapepanhau sekunge zvechokwadi nekuti mangwana hurumende inogona kumuka yoti haina kutaura izvozvo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAmai Cecilia Alexander