Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika svondo rapera zvakakwira kudare zvichida kuti rirase zvikamu zvemutemo une chekuita nesarudzo unorambidza kuti vari kunze kwenyika vavhote vari munyika dzavagere.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa neUnited Kingdom zvakamirirwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu zvakaenda kudare repamusorosoro, reConstitutional Court, zvichipikisa mutemo wesarudzo uyu, zvichiti bumbiro remitemo idzva ravepo rinozvipa mukana wekuti zvivhote musarudzo dzinoitwa munyika.
Vanhu ava vari kumirirwa neZimbabwe Lawyers for Human Rights,
Pari zvino vari kunze kwenyika vachiita mabasa ehurumende kana kushandira masangano makuru akazvimirira ndivo chete vanobvumidzwa kuvhota vari munyika dzavagere.
Muna Chikunguru wegore rino dare rimwechetero rakarasa imwe nyaya yakadai yakanga yakwidzwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuSouth Africa muna 2013, richiti hurumende haimanikidzwe pamutemo kuisa nzvimbo dzekuvhotera kunze kwenyika.
Mutongi wedare repamusoro soro, Chief Justice Luke Malaba, vakati zvizvarwa zvose zvakasarudza kugara kunze kwenyika zvakasununguka kudzoka kumusha kunovhota munguva dzesarudzo.
Hurumende yakazvisawo zvakare kuti haina zvikwanisiro zvekuti iise nzvimbo dzekuti vari kunze vavhotere, danho rinoonekwa nevanopikisa senzira yekurambidza vazhinji vevari kunze, avo vanoonekwa nehurumende sevanoipikisa, kuvhota.
Asi gweta rinorwira kodzero dzeavnhu vachishanda neHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti danho rakatorwa nezvizvarwa zviri kunze kwenyika iri rakakosha zvikuru sezvo bumbiro remitemo idzva richipa munhu wese kodzero dzekuvhota.
VaMavhinga vanoti kunyange hazvo mutongo wakapiwa muna Chikunguru wakarambidza kuti vanhu vavhote vari kunze kwenyika, nyaya iyoyo yakanga yakwidzwa kudare pachipikiswa mutemo waive mubumbiro rakare.
Your browser doesn’t support HTML5