Gurukota rinoona nezvevashandi nezvemabasa, Amai Petronella Kagonye, vakagadza neMuvhuro sangano reNational Disability Board sezvinotarisirwa nemutemo weDisabled Persons Act.
Panga patove nenguva inovavarira kusvika gore rimwe chete pasina National Disability Board izvo zvanga zvichinyunyutisa vakaremara.
Sangano iri rine vanhu gumi nevanomwe, uye sachigaro waro ndi Amai Mercy Maunganidze vanotungamira sangano reAlbino Association of Zimbabwe.
Vachitaura mushure mekugadzwa kwavo, Amai Maunganidze vakati vanhu vakaremara vakatarisana nematambudziko makuru munyika. Amai Maunganidze vanoti donzvo ravo guru nderekurerutsa mararamiro evenhu vakaremara.
Amai Maunganidze vanoti chinangwa chavo chikuru ndechekuti vakaremara vave vanokwanisa kupinda mumahofisi akasiyana siyana zvakasununguka pamwe nekurerutsa mafambiro evakaremara pavanenge vachishandisa motokari dzinotakura veruzhinji.
Amai Kagonye vanoti kunyange hazvo zvinhu zvisati zvanyatsomira zvakanaka munyaya dzehupfumi, vanoti hurumende itsva yaVaEmmnerson Mnangagwa yakazvipira kusimudzira hupenyu hwevakaremara.
Amai Kagonye vanoti pari zvino patori nemari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora yavachashandisa vakabatana boka idzva ravakagadza iri.
Panhengo gumi nenomwe dzasarudzwa kupinda muNational Disability Board, nhengo gumi remumwe vanhu vanobva kumasangano akasiyana siyana anomirira vakaremara.
Vamwe vevakaremara vanoti vafadzwa nekuti nhengo zhinji dziri muNational Disability Board vanhu vakaremara vakat izvi zvinovapa tarisiro yekuti matambudziko avo achatarisiswa nemazvo.
Bhodhi iri rine donzvo rekushanda negurukota rinoona nezvevashsndi nemabasa mukuronga zvirongwa zvinosimudzira hupenyu hwevakaremara pamwe nekubatsira hurumende kubuda nezviga zvinoita kuti vakaremara vasasiirirwe mumabasa ehurumende.
Your browser doesn’t support HTML5
Zvichakadaro, rimwe remasangano anoona nezvevakaremara, reCenter for Disability and Development, rinoti rinofara zvikuru kuti hurumende yakadoma bhodhi rine vanhu vanoona nenyaya dzinonetsa vakaremara.
Mukuru wesangano iri, VaMasimba Kuchera, vanoti vakamirira kuti hurumende ikurumidze kudoma mukuru webhodhi, uyo anofanirwa kunge achifambisa mabasa ebhodhi iri kunyange hazvo pakadomwa sachigaro.
Your browser doesn’t support HTML5