Varairidzi Voronga Kuratidzira Pamusoro peHwaro hweDzidzo Hutsva

  • Jonga Kandemiiri

Varairidzi vanoti hurumende haina kuvawanisa zvekushandisa zvinoenderana ne carriculum itsva iyi

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dziri kuronga kuratidzira dzichinyunyuta nekusarongeka kwarinoti kwakaita hwaro hwedzidzo hutsva kana kuti new curriculum, yakaparurwa gore rino nebazi rezvedzidzo netsika.

Mutungamiri wesangano iri VaObert Masararure vanoti varairidzi vazhinji, zvikuru vemumaruwa, vave kutoshandisa zvakare syllabus yegore rapera kuti vakanise kudzidzisa vana, sezvo hurumende isina kukwanisa kuvawanisa zvose zvinodiwa nevarairidzi.

VaMasaraure vanotiwo mabhuku nezvimwe zvinodiwa mukudzidziswa kwevana hazvisi kuwanikwa muzvikoro izvo zviri kuomesera varairidzi.

Masangano evarairidzi ari kunyunyutawo nehurongwa hwehurumende uhwu achiti yakamhanyira kumedza kutsenga ichada sezvo isina kutanga yanzwawo pfungwa dzevamwe vane chekuita nenyaya dzedzidzo.

Studio7 yakundikana kubata gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, kanawo komiti yeparamende inoona nezvedzidzo kuti tinzwewo mativi avo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure