Muimbi ane Mukurumbira Hosiah Chipanga Okwikwidza muSarudzo dzeChikanga-Dangamvura Akamirira Patriotic Zimbabweans

  • Jonga Kandemiiri

Muimbi Hosiah Chipanga, uyo ave kukwikwidza musarudzo dzemumiriri weChikanga-Dangamvura.

Muchirongwa chedu chatinotarisa zvatinosangana nazvo muhupenyu, cheHupenyu Hwedu, svondo rino taita rombo rakanaka rekuwana mukana wekutaura nemuimbi ane mukurumbira, Hosiah Chipanga, uyo ari kukwikwidza musarudzo dzemumiriri weChikanga-Dangamvura muma by-election ari kuitwa musi wa 26 Kurume gore rino.

Chipanga, uyo achakwikwidza akamirira bato rePatriotic Zimbabweans, anoti chikuru chaanovimbisa vagari vemuChikanga-Dangamvura ndechekuti achagadzirisa dambudziko remvura.

Anoti kupinda kwaakaita mune zvematongerwo enyika hakurevi kuti ave kusiya zvemimhanzi, achiti hapana chashanduka sezvo paaiimba raingove shoko raaiparidza risina zviito, zvinove zvaave kuita pari zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaHosiah Chipanga