Mutevedzeri waMeya veChegutu Anoti Akapambwa neVaanofungidzira kuti Masoja

VaDzeka inhengo yeMDC Alliance uye vanoti vakanga vakapfeka nhumbi dzemubatanidzwa uyu pavakapambwa.

Mutevedzeri wameya weguta reChegutu VaEdward Dzeka vanoti vakapambwa nevanofungidzira kuti masoja nevamwe vanhu vatatu apo vaibva kuKadoma vachienda kuChegutu nezuro manheru.

VaDzeka vanoti vakakwira motokari yainge iine musoja avo vakavabvunza kuti sei vachitsigira bato raVaNelson Chamisa vakaratidza kuti havana kugutswa nemhinduro yavo

Vanoti vanhu ava vakaramba kuvaburutsa muChegutu vakatanga kuvarova nezvibhakera nemambama.

Vanotiwo mumwe weavanoti mauto aya akatanga kuvabata nhengo dzavo dzechirume.

Vanoti vakaitwa nhapwa kwemaawa maviri ndokusiiwa vakandwa mumugwagwa umo vakazonhongwa nemunhu ayipfuurawo zvake.

VaDzeka vanoti vaenda kunomhan’ara kumapurisa emuChegutu uye vakanorapwa kuchipatara

Mutauriri weMDC-T mudunhu reMashonaland West VaBlessing Mandava vashoropodza zvikuru chitiko ichi vachiti zvinoratidza kuti hurumende iripo ndeyechiuto uye chibvumirano chakanyorerwanwa pasi chekuve nesarudzo isina mhirizhonga hachishande.

Hatina kukwanisa kunzwa kudivi remapurisa sezvo mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Arthur Chigoriwa