MDC-T yaMuzvare Khupe Yoronga Kuenda kuMatare Kuti Ipiwe Iyo Mari yeMapato eZvematongerwo eNyika

Mutevedzeri vemutungamiri webato reMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Gutu.

Bato reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinonzi neMuvhuro rakati dare repamusoro ribvise panyaya dzinofanirwa kunzwikwa nechimbichimbi nyaya yekurwira zita rebato yarakanga rakwidza kudare iri.

Bato raVaChamisa riri kunetsana nebato reMDC-T rinotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe vachirwira kuti ndiani anofanirwa kushandisa zita rekuti MDC-T.

Zvichitevera kutururwa kwenyaya iyi kudare, bato raMuzvare Khupe rinonzi rakabva raudzawo magweta aro kuti akwire kumatare achida kuti iro bato iri ripiwe iro mari inoita miriyoni imwechete nemazana masere ezviuru zvemadhora yakabva kuhurumende ichipiwa kubato reMDC-T pasi pehurongwa hwekupa mari kumapato ezvematongerwo enyika ane nhengo muparamende.

Mari iyi inonzi yakapiwa kubato reMDC-T risati ratsemuka asi yakazoshandiswa neMDC-T yaVaChamisa.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T inotungamirwa naMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vanoti sebato vanoda kuti mari iyi ipiwe kubato ravo sezvo riri iro riri pamutemo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa panyaya iyi.

Asi gweta rebato iri VaThabani Mpofu vaudza bepanhau reHerald kubvisa kwavo nyaya yekurwira zita kudare hazvirevi kuti vave kurasa nyaya iyi, asi kuti vachaitevera sedzimwe nyaya dzisingadi kunzwikwa nechimbichimbi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu