Mapurisa Obvunzurudza Mukuru weMedia Centre Nezve kuBhombwa kweGushungo Dairy

  • Jonga Kandemiiri

VaMudzengi vanoti mapurisa anga achida kunzwa kubva kwavari pamusoro penyaya yavakaburitsa muZimbabwe Sentinel

Mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vakambotorwa nemapurisa edivi rematikitivha epaHarare Central Police Station nemusi weChina uko vanoti vanga vachibvunzurudzwa pamusoro penyaya yakaburitswa nedandemutande reZimbabwe Sentinel, iro rinoburitswa nesangano ravo.

VaMudzengi, avo vanga vakamirirwa negweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaGift Mtisi, vanoti nyaya iyi ine chekuita nekuda kubhombwa kweGushungo Dairy.

“Mutori wenhau akanga achishandira paMedia Centre akanyora pamusoro pemashoko akataurwa nemutungamiri webato reZimbabwe People Front VaOwen Kuchata ekuti bato ravo richamanikidza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabekuti vasiye chigaro kuburikidza nekuratidzira kwakasimba,” VaMudzengi vanodaro.

Vanoti mapurisa anga achinyanyoda kunzwa nezvenyaya iyi, uyewo nemashandiro anoita Media Centre, uye atorawo mashoko avataura pamusoro penyaya iyi achiti havasi kusungwa kwete, asi kuti vari kuvatora semufakazi.

VaMudzengi vanotiwo havaone sekunge mapurisa avatyorera kodzero dzavo sezvo semwana weZimbabwe vachisungirwawo kushanda nemapurisa panenge pakakodzera.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaErnest Mudzengi