Nera Inoumba Makomiti Matatu

  • Jonga Kandemiiri

Mapato anopikisa ari pasi pegungano reNational Electoral Reform Agenda, Nera, akasangana muHarare neChina akaumba makomiti matatu achabatsira kufambisa nyaya dzekuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe sarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya dzisati dzaitwa.

Mutauriri weNera, VaDouglas Mwonzora, vanove zvakare munyori mukuru weMDC T, vanoti makomiti matatu aya achange achitungamirwa nevatungamiri vemapato ari muNera.

Komiti ichange yakanangana nenyaya dzezvematongerwo enyika uye ichange ichitungamirwa nemutungamiri webato reNational People’s Party, Amai Joice Mujuru.

Komiti ichange ichiona nezvemitemo ichenge ichitungamirwa nemutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, kuchitiwo komiti yetatu, iyo ichange ichiona nezvekudyidzana nedzimwe nyika ichitungamirwa nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

VaMwonzora vanoti musangano wanezuro uyu wakatambirawo zvakare tsamba yekukurudzira kuparadzwa kweboka rinoona nezvesarudzo, reZimbabwe Electoral Commission, Zec, vachiti yakarerekera kubato reZanu PF.

Vanoti vakatambirawo tsamba inobva kuZec ichivakoka kumusangano svondo rinouya.

Nera iri kugara yakanetsana neZec ichiti vanhu vari kutungamira munyaya dzesarudzo vari muZec, vanhu vari kushanda vakarerekera kuZanu PF.

Ukuwo Zec inoti iri kuita basa rayo isina divi rayakarerekera sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Asi Nera inoti aya mashoko ekunatsa mukanwa eZec.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora