Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa hurumende yeZanu PF ari pasi peNERA abuda mumusangano wanga wakokerwa neZEC kuti vazeye zvinyunyuto zviri kugunun’unwa nevanopikisa hurumende pamusoro pesarudzo munyika.
Sachigaro wezvekurongwa kwemabasa muNERA, uye vari munyori mukuru webato reAfrican Democratic Party, VaJoelson Mugari vanoti mapato ari pasi peNERA aya ashamisika zvikuru nekupinda mumusangano uyu vachiwana muine vamiriri vemamwe mapato asingatombozivikanwi munyika.
“Patapinda isusu mumusangano uyu tanzi isu each party inofanirwa kupinza munhu mumwechete. Tapinda mukati imomo taona muine mamwe ma political parties which have never existed. Can I tell you kuti taona one political party inonzi Okay Mart? Tikawana imwe political party inonzi Vanhu, tikawana imwe political paryy inonzi ZHOC. We had a number of unkown political parties dzanga dzirimo,” VaMugari vanodaro.
Vanoti izvi nzvakavanetsa kwazvo kuti zvavari kuita musangano neZEC, vari kupiwa Seiko mapato avasati vamboona.
VaMugari vanoti semapato anopikisa hurumende, havarambidzi kuti kuve nemamwe mapato ezvematongerwo enyika anoumbwa, asi chavatsamwiswa ndechekuti mapato aya haana kumbobvira anyoresa neZEC.
“Tanga tichiita zvekuzovhota, saka mukuvhota umu, nekuda kwekuti ZEC yanga iine vanhu vayo ivavo vanaVanhu, vanga vachingovhotera kudivi reZEC. Saka nekuda kwezviri kuitwa neZEC izvi tadaidzana isu veNERA takati aiwa, regai tiende.”
VaMugari vanoti kunyange hazvo vakundikana kukurukura zvinetswa zvavo neZEC, NERA iri kuronga kumwe kuratidzira kune mutsindo munyika yose mukupera kwesvondo ichida kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe.
Studio 7 yakundikana kunzwa divi reZEC panyaya iyi.
Your browser doesn’t support HTML5