Mapato Anopikisa Obuda neChisungo paNyaya yeShanduko neSarudzo

  • Jonga Kandemiiri

VaMorgan Tsvangirai

Mapato ezvematongerwo enyika gumi nemashanu anopikisa hurumende anonzi ari kutarisirwa neChitatu kunyorerana chibvumirano chekuti akurudzire kuti munyika mutange mave neshanduko munyaya dzemitemo ine chekuita nesarudzo pasati paitwa sarudzo.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hurongwa uhwu huchaitirwa paAnglican Cathedral muHarare nenguva dzegumi mangwanani.

VaGutu vanoti zvimwe zvezvinhu zvavachakurudzira kuti zvivandudzwe inyaya dzemitemo yezvekuburitswa kwemashoko, mashandiro eZimbabwe Electoral Commission, ZEC, mapurisa, mauto pamwe nevasori munguva dzesarudzo.

Asi mamwe mapato anopikisa akaita seRenewal Democrats of Zimbabwe rinotungamirirwa naVaElton Mangoma, nePeople’s Democratic Party rinotungamirirwa naVaTendai Biti, akatozivisa kare kuti haasi muhurongwa uhwu.

Mutauriri webato reNational Constitutional Assembly, VaMadock Chivasa, vanoti bato ravo rakabudawo muhurongwa uhwu kunyange hazvo vakanga vambotanga vakabatana nevamawe.

VAChivasa vanoti vakatadza kuwirirana mumanyorerwo anofanirwa kuitwa gwaro ravo, sezvo ivo vakaona sekunge rakanyanya kuoma rakanangana nemapoka akaita seZEC, mapurisa pamwe nevasori.

“Isu tichiri bato idzva saka takaona kuti hatingabva tangotanga takada kuomesa mwoyo,” vanodaro VaChivasa.

Vanoti sebato vachashandawo kuti vaone kuti vasvitsa voga zvichemo zvavo zvavanenge vachida kuti zvishandurwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMadock Chivasa

Asi VaGutu vanoti hapana chikuru chishashanduka kubva muhurongwa hwavo kunyange hazvo NCA yabuda kubva mugungano iri.

“Nhaurirano dzichiri kuenderera mberi nekuti kubuda kweNCA hakusi iko kuguma kwehurongwa hwedu,” vanodaro VaGutu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu