Vana Vane Vabereki Vari Kunze Vonzi Ndivo Vari Pamberi muKuita Misikanzwa

  • Jonga Kandemiiri

Vechidiki vakawanda vanonzi vave kushandisa zvinodhaka zvakaita seBronco

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinonzi zviri kutarisana nematambudziko makukutu ekudyirwa mari dzavanenge vatumira kumusha kuti dzishandiswe muzvirongwa zvakasiyanasiyana.

Vamwe vevanhu vanonzi vari kudya mari idzi nemhutwa vana vane vabereki vanenge vari kunze kwenyika,vanenge vatumirwa mari dzekuti vabhadhare zvikoro, asi dzinozopedzisira dzotengeswa zvinodhaka.

Vanhu vakawanda vataura neStudio 7 vanoti vana vazhinji vari kuita misikanzwa nekuti vanenge vasina dzimwe nguva vabereki vose kana kuti baba anovatyisidzira kana vakaita zvisizvo.

Imwe ongorororo yakaitwa nebazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu gore rapera inonzi yakaratidza kuti vazhinji vevana vane vabereki vari kunze kwenyika ndivo vari pamberi mukuita misikanzwa inosvitsa kuti vasungwe.

Vamwe vanoongorora magariro evanhu vanoti izvi zvinonyanyokonzerwa nekuti vana ava vanenge vasina munhu anovatsuura akaita semubereki wekuti vanoteerera, kana kuti kana vachigara naamai chete vanogona kunge vasingavateereri.

Vamwe vevana ava vanonzi vanenge vambogara kunze kwenyika nevabereki vavo, asi vozodzoserwa kumusha mushure mekuita misikanzwa, asi vabereki vavo voramba vachivatumira mari dzekushandisa.

Mukuedza kuderedza mikana yekudyirwa mari, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa neBotswana zvinonzi zvave kutakudza mari kana zvitengwa nevanotyaira dzimotokari nemabhazi, avo vaonozivikanwa savana malayitsha kuitira kuti vasvitse mari idzi kana kunobhadhara kuzvikoro.

Mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Traders Association VaDennis Juru vanoti nhengo dzesangano ravo, zvikuru muSouth Africa, Botswana neMozambique dzirei kubatsira zvikuru mukuendesa mari kumusha pamwe nekuongorora kuti dziri kushandiswa nemazvo here.

Vamwe vari kunze ndivo vanonzi vave kushandisa makambani ari kumusha kuti avatarisire zvavanenge vachivaka kana kuita kumusha.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDennis Juru