America Yopa Chenjedzo kuZvizvarwa Zvayo Zvinoda Kushanyira Zimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

America yakayambira zvizvarwa zvayo zvinoda kushanya muZimbabwe kuti zvingwarire kubirwa pamwe nemhirizhonga.

Hurumende yeAmerica neChipiri yakayambira zvizvarwa zvayo zvinoda kushanya kuZimbabwe kuti zvingwarire kubirwa pamwe nekusagadzikana kwezvinhu kana zvichinge zvapinda munyika.

Muchenjedzo idzi, America yakaudza zvizvarwa zvayo kuti muZimbabwe munoparwa mhosva dzechisimba dzakafanana nekurohwa, kupindirwa mudzimba, kana kupwanyirwa dzimotokari.

Nyika iyi yakakurudzirawo kuti zvizvarwa izvi zvisaburitse mari pese pese, zvisapinda mumisangano yezvematongerwo enyika kana mumakungano, uye kuteverawo yambiro dzinenge dzichiburitswa mumapepanhau nedzinhepfenyuro zvemunyika kuitira kuti zvikwanise kutora matanho nekukasika.

America yakatiwo mapurisa haana zvikwanisiro zvekuti vakwanise kutora matanho ekudzivirira kuparwa kwedzimhosva dzakadai.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica uye chiri nhengo yeZanu PF, VaFrenk Guni, vanoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kutora matanho ekugadzirisa zviri kutarurwa neAmerica izvi nekukasika sezvo zvichikwanisa kuita kuti vanoda kushanyira nyika pamwe nevanoda kuzodyara mari dzavo muZimbabwe vatye.

VaGuni vanoti maziviro avo, hurumende yeAmerica haingotaura pasina zvayaona, sezvo iine vashandi vanenge vari munyika vanokwanisa kuita ongororo dzavo.

Vanokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti kana isina ruzivo nezvenyaya iyi inofanirwa kuenda kunonzwisisa kubva kumumiriri weAmerica muZimbabwe, yotora matanho.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni