Vange vari mumiriri weGlen View muparamende Amai Vimbayi Tsvangirai-Java, avo vakashaya neMuvhuro, varadzikwa kumarinda eGlen Forest muHarare.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana panhandare ye City Sports Centre muHarare zvichionekana nemufi mutumbi wake usati wanoradzikwa kumarinda eGlen Forest, kunze kweguta reHarare.
Vachitaura kuCity Sports Centre, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vati kuparara pamwe nekutetepa kwemigwagwa ndiko kwakakonzera tsaona yakazoita kuti Amai Java varasikirwe nehupenyu.
Ataura akamirira mhuri yekwaMhundwa kunove kwakaberekwa amai VaAmai Java, mushakabvu Amai Susan Tsvangirai, VaIsaac Mhundwa, vati varwadziswa semhuri nekushayika kwaAmai Java kuburikidza netsaona yemumugwagwa inove yakauraya sekuru VaAmai Java, VaTafadzwa Mhundwa.
VaMhundwa vati chiri kunyanyovaradzwa ndechekuti VaTafadzwa Mhundwa, Amai Tsvangirai pamwe naAmai Java vose vakaenda kwamupfiganebwe zvichikonzerwa netsaona dzemumigwagwa. VaMhundwa vakurudzira mapato eMDC neZanu PF kuti agare pasi atsvage nzira dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi. Asi VaMatiza vakabuda panhepfenyuro yeZBC svondo rapera vachiti hurumende ine hurongwa hwekugadzirisa migwagwa mikuru mizhinji yemunyika.
VaChamisa vati matambudziko akatarisana nenyika anopera chete kana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakabvuma kugara patafura kuti vazeye nhaurwa dzese dziri kunetsa munyika.
Zvichakadai, mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, avo vanga varipowo parufu urwu, vatiwo paramende iri kushushikana zvikuru nekushayika kwakaita Amai Java vachiti munhu aiita basa reparamende nemazvo.
VaChamisa vatorawo mukana uyu kuti vaudze mutungamiri weMDCT, Muzvare Thokozani Khupe, kuti vanofanirawo kugara pasi voona kuti kusawirirana kuri pakati pavo kungagadziriswa sei.
Ataura akamirira mhuri yekwaTsvangirai uye vari munin’ina wevaimbova mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, VaManase Tsvangirai, vati kunyange hazvo vabatwa panyama nhete semhuri, kufa murawu waMwari.
Amai Java vange vabva kusarudzwa semunyori mukuru muboka remadzimai muMDC pakongiresi yakaitwa kuGweru mwedzi wapera.
Vakaita tsaona vachangobuda muKwekwe vachibva kuBulawayo kumusangano wekugadzirira kongiresi iyi mutsaona yakauraya sekuru vavo VaTafadzwa Mhundwa nakanzura wekuGlen View, VaPaul Rukanda.
Your browser doesn’t support HTML5