Zanu PF Yopomerwa Mhosva yekuManikidza Zvikoro Kupa Mabhazi eKushandisa kuOne Million Man March.

  • Loirdham Moyo

Vechidiki veZanu PF

Bato ririkutonga reZanu PF rinonzi ririkumanikidza vakuru vezvikoro uye makomiti eSchool Development Committee muManicaland kuti vavape madutavanhu ezvikoro zvavo ekutakurisa vechidiki vari kuda kunofora kuguta reHarare mangwana, kuOne Million Man March.

Bato iri rinonzi rave kuita zvekumanikidza vanhu mushure mekunge rakundikana kuunganidza mari iri kudiwa.

Vatsigiri veZanu-PF vanonzi vari kumanikidzawo vanamuzvinabhizimisi kuvapa zvekudya.

Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi revechidiki muZanu-PF, Muzvare Passionate Dandajena vakatombotenda kuti kuwana zvikwanisiro kwange kuchinetsa zvakanyanya sezvo vamwe vange vachiramba kusunungura homwe.

Asi panyaya yekuti Zanu-PF yainge yoita zvetsvimbo mugotsi, munyori wezvedzidzo muZanu-PF Youth League kuManicaland VaKudzi Mudhara vati ichi handi chokwadi sezvo vaine nzira dzavo dzekuunganidza nadzo mari.

VaMudhara vanoti chavakangoita kukumbira mabhazi pasina kumanikidza vanhu.

Asi mashoko aya ari kurambwa nevakuru vezvikoro, vazhinji vacho vachiti vakatyisidzirwa nevechidiki veZanu-PF.

Vamwe vezvikoro vanoti vari kutomanikidzwawo kupa dhiziri pachena kuZanu-PF.

Mumwe mubereki muguta reMutare VaGodwin Sithole vanoti havafari nezvaitwa izvi.

"Tinoona sekuti uku kumbunyikidza vakuru vemuzvikoro pamwechete nevana vacho kuvamanikidza kuenda nemabhazi kumisangano yezvemapoka ezvematongerwo enyika.

"Mabhazi aya kutanga akatengwa nemari yevabereki pasina rubatsiro kubva kuZanu yacho, saka gurukota rezvedzidzo rakati misangano yezvenyika imiswe saka zvimwechetezvo nemabhazi edu haafanirwi kushandiswa mahara nemapoka ezvematongerwo enyika," VaSithole vadaro.

VaTrevor Saruwaka ndivo mutauriri webato reMDC-T kudunhu reManicaland, uye vari mumiriri weMutasa Central mudare reparamende. VaSaruwaka vashora zviri kuitwa izvi vachiti kuda kuparadza zvakare midziyo yemuzvikoro kuri kuda kuitwa neZanu PF sekukanganisa kwavakaita hupfumi hwenyika.

VaPishai Muchauraya, vanove nhengo yebato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe vanoti zviri kuitwa izvi hazvina maturo ose.

"Chekutanga ndechekuti Zanu PF haichina tsigiro nokudaro ndosaka vave kuita zvekumanikidza zvikoro kuti zvivape zvekufambisa uye nevamwe vana kuti vaende kuhurongwa hwavo. Bato iri zvakare harichina mari yekuti vakwanise kuita fund ma-activities avo sekuondonga kwavakaita hupfumi hwenyika," vadaro VaMuchauraya.

Zanu PF yaichisimboshandisa madutavanhu ekambani yehurumende yeZimbabwe United Passenger Company kana kuti Zupco mukutakura vatsigiri vayo pachena kumagungano akafanana neiri.

Asi nekuda kwekuti kambani iyi yakawira pasi, zvave kunetsa kuti ichiwana chekutakurisa vatsigiri vayo kumisangano yayo.

National Railways of Zimbabwe, NRZ imwewo kambani yaitakuriswa nhengo dzebato iri pachena kusvikira yagwadamawo zvakare.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Loirdham Moyo

Asi sachigaro wevechidiki muZanu PF mudunhu reManicaland VaMbuso Chinguno varamba mashoko ekuti nhengo dzavo dziri kumanikidza vanhu kubvisa zvikwanisiro zvekushandisa pakukufora kwemusi weChitatu uku.

"KuManicaland kwanidnove ndini provincial youth chair weprovince hurongwa hwedu huri kufamba zvakanaka. Mangwana makuseni tiri kumukira kunanga kuHarare, we have mobilized enough resources. Hapana ari kumanikidzwa nekuti fundraising takaita seManicaland Province," VaChinguno vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMbuso Chinguno