ZCTU Yokurudzira MDC Kuti Iyendese Mberi Hurongwa hwaVaTsvangirai

VaTsvangirai vakambove munyori mukuru weZCTU

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions nemasangano anoshanda akazvimirira anoti bato reMDC T harifaniri kuputsa hurongwa hwekusunungura nyika hwakasiyiwa naVaMorgan Tsvangirai.

Munyori mukuru musangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio7 kuti Zimbabwe yarasikirwa nemunhu aikwanisa kushanda nevanhu vakasiyana siyana, vepasi nevepamusoro, vanowana nevasingawani.

VaMoyo vati zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kuenderera mberi nebasa rakatangwa naVaTsvangirai kwete kudzorera kumashure basa iri.

Vayambira bato ravo reMDC T nemhuri yavo kuti vasaputse zvakavakwa naVaTsvangirai.

Sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, vaudza Studio 7 kuti veruzhinji varwadziwa nekufa kwaVaTsvangirai nekuti munhu aimirira zvido zvevanotambura uye vaive nerudo nemunhu wese.

Vati VaTsvangirai munhu akarwisa hurumende yehumbimbindoga yaVaMugabe kunyange zvainge zvakaoma uye kuenda kwavo kwasiya mukaha mukuru mubato nemunyika yese.

Vati vatungamiriri mubato reMDC vanofanira kudzidza kubva kuzviito zvaVaTsvangirai.

Mutauriri weZimbabwe National Students Union, VaTatenda Mandondo, vati VaTsvangirai range riri gamba remunhu wese kusanganisira vadzidzi uye vati nhengo dzebato reMDC dzinofanira kubatana dzoenderera mberi nehondo yerusununguko.

Muzvare Cozet Chirinda vesangano reJustice for Women Zimbabwe vatsanangurawo VaTsvangirai semunhu arwirawo kodzero dzemadzimai.

Vanongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vati VaTsvangirai munhu akarwisa hudzvanyiriri weZanu PF uye tariro yemhunu wese yange iri yekuti vaizopora pahurwere hwavo.

Masangano akawanda ari kutumira mashoko enyaradzo kumhuri yekwaTsvangirai panguva iyo iri kuchema.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya