VaObama Vopika Kuita Zvose Zvavanogona Kuitira Kuti Zvinakire Munhu Wese

Mutungamiri we America, VaBarack Obama, vanoti nekukura zvakanaka kuri kuita hupfumi hwenyika, pamwe nekupera kwehurongwa hwemauto emu America mu Afghanistan, yasvika nguva yekuti America ichivhura peji idzva sezvo nguva yekuomerwa nehupfumi pamwe nehondo yapfuura.

Vachitaura pahurongwa hwe State of the Union neChipiri manheru, VaObama vakabuda pachena kuti havasi kuzotsigira mitemo ichapasiswa muparamende izere bato re Republican Party inenge isingakoshesi zvido zveveruzhinji.

VaObama vakati yasvika nguva yekuti vanhukadzi vapihwe mari yakaenzana nevanhurume kwete kuita rusarura panyaya dzemihoro.

VaObama vakatiwo vanhu vanofanirwa kubhadharwa mari dzenguva yavanenge vashanda zviri kunze kwemaawa avanoshanda pazuva.

Vakati nguva ino, mugore ra 2015, munhu haakwanise kurarama nemari inoita zviuru gumi nezvishanu zvemadhora pagore.

Vakaudza nhengo dze Congress kuti kana dzichifunga kuti munhu anokwanisa kurarama nemari iyi, ivo ngavaedze kurarama nemari dzakadai.

Vakakurudzira Congress kuti itare mitemo inopa kuti vanhu vatambiriswe mari inoenderana nehupenyu hwanhasi.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaObama paNyaya yeDzidzo

Panyaya yedzidzo, VaObama vakati nyaya yekuti America yakaita kuti dzidzo yepasi ive pachena ndiyo yakapa kuti nyika iyi iende pamberi munyaya dzezvehupfumi kudarika nyika dzakawanda.

Vanoti vanoda kuti vanhu vaende kuchikoro pachena kuzvikoro zvepamusoro soro munharaudza mavo kana kuti Community Colleges. VaObama vakatiwo yasvika nguva yekuti America idyidzane kunyange nenyika dzayanga isingawirirane nadzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaObama paNyaya yeDzidzo

Vakati kusimba kwe America munyaya dzehondo kunofanirwa kuremekedzwa nemaitiro ayo ane chiremera kune dzimwe nyika.

VaObama vakabuda pachena kuti hapana sarudzo dzavachapinda, uye mumakore avo maviri asara, vachaita zvose zvavanoona kuti zvinosimudzira America.

Vakati vachaita izvi vakabatana nedare reCongress, asi vakayambira kuti vachatsigira chete zvavanoona kuti zvinobatsira nyika.

Gweta rinoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda pari zvino sechipangamazano musangano reNational Endownment for Democracy pasi pechirongwa cheReagan-Fascell Democracy Fellow, VaArthur Gwagwa, vanoti mashoko aVaObama anoratidza kuti munhu ane chido nenyika yake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaArthur Gwagwa