VaMnangagwa Vanoshoropodza Mabhizinesi Vachiti Ari Kukwidza Mitengo yeZvinhu

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vashoropodza vemabhizimusi nekukwidza kwavari kuita mitengo zvinhu vachiti izvi zviri kudzosera shure hurongwa hwavo hwekuvandudza hupfumi hwenyika.

Vachitaura pamberi pezviuru zvevanhu vanga vari munhandare yeNational Sports Stadium muHarare pamhemberero dzekusvitsa kwaita nyika makore makumi matatu nemapfumbamwe yawana kuzvitonga, VaMnangagwa vati vemabhizimusi vari kukwidza mitengo yezvinhu, vari kudzosera shure hurongwa hwavo hwekuvandudza hupfumi hwenyika.

VaMnangagwa vati kukwidzwa kwemitengo yezvinhu zvizhinji, zvikurusei mutengo wechingwa, kuomesera veruzhinji avo vari kutambura.

Kunyange hazvo tisina kukwanisa kutaura nevemabhizimusi, mumwe mugari wemuHarare anga ari pachiitiko ichi, VaCaleb Tsikirai, vati hurumende inofanira kugadzirisa nyaya yekushayikwa pamwe nekudhura kuri kuita mafuta edzimotokari kuitira kuti mitengo yezvinhu isarambe ichiita chamuramba mhuru.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo iri kuvandudza mitemo mizhinji kuti inangane nebumbiro remitemo yenyika kuitira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo iri kuramba ichitaurirana nenyika dzekumavirira senzira yekuedza kusimbaradza hukama hwayo nenyika idzi.

VaMnangagwa vakurudzira nyika dzekumavirira idzi kuti dzibvise zvirango zvavati zvakatemerwa vamwe vari muhurumende yavo vachiti zvirango izvi hazvisi pamutemo.

Asi America neBritain dzinoti VaMnangagwa vanofanirwa kugadzirisa maitiro ehurumende yavo kuitira kuti munyika muve nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu, uye kuti mitemo inodzvanyirira veruzhinji ibviswe.

Maererano nedingindira remhemberero dzegore rino iro ranga richisimbaradza nyaya yekuendeswa kwemasimba nehupfumi kumatunhu, VaMnangagwa vatiwo vanhu vari mumatunhu akasiyana-siyana enyika vanofanira kuwana chouviri kubva muzviwanikwa zvenyika zviri mumatunhu avagere.

Vatiwo varikufara zvikuru nerubatsiro rwavari kuwana sehurumende huri kubva munyika dzepasi rose rwakanangana nekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu eCyclone Idai.

Gore rino ndere chipiri VaMnangagwa vachitaura semutungamiri wenyika pahurongwa hwekucherechedza kuwana kuzvitonga kwenyika, zvichitevera kutora masimba kwavakaita muna Mbudzi 2017, apo vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabviswa pachigaro nemauto.

Zimbabwe yakawana kuzvitonga muna 1980, apo VaMugabe vakasarudzwa semutungamiri wehurumende mushure mehondo yerusununguko yakaitwa makore manomwe.

Kubva ipapo, VaMugabe vakaramba vari panyanga kusvika muna Mbudzi 2017, apo vakazobviswa pachigaro nemauto.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi