VaMnangagwa Voparura Zviri Pamutemo neMusi weChitatu Chirongwa cheNhomba yeCovid-19 Munyika

  • Blessing Zulu

Sinopharm COVID-19 vaccine

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa mangwana kuenda kuVictoria Falls kunoparura zviri pamutemo chirongwa chepiri chekuti vanhu vemunyika vabayiwe nhomba yeCovid-19.

Vagari vose vemunzvimbo iyi vanonzi vachabayiwa nhomba yeCovid-19 chinova chirongwa chekutanga kuitwa izvi.

VaMnangagwa nevamwe vatungamiri vemapato ari mugungano rePOLAD vari kutarisirwa kubayiwa nhomba kekutanga.

Nhomba iyi inobayiwa vanhu kaviri kuti itange kushanda zvakanaka. Asi muchikamu chekutanga vamwe vaifanira kubayiwa kusanganisira vashandi vemuzvipatara nevatori venhau vakaratidza kuzengurira zvapa kuti Zimbabwe itatarike kubaya zviuru zana zvekutanga panhomba yakapihwa nyika neChina.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Enock Mayida, vanoti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Enock Mayida