VaMnangagwa Vanosangana neMadhokotera neVakoti Vachizeya Covid-19

Lingakhuthwa Luhlelo Lwabatsha

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaita musangano nanachiremba, vana mukoti nevamwe vange vakamirira vamwe vashandi vakakosha munyika vakaudzwa kuti zvakakosha kuti nyika ioongorore vanhu vakawanda kuitira kuti izive kuti dambudziko reCoronavirus rakakura sei munyika.

Zimbabwe yava nevanhu vatatu vafa nechirwere ichi.

Vamwe vapinda mumusangano vaudza mutungamiriri wenyika kuti zvikwanisiro zvekuongorora kuti munhu ane Coronavirus here kana kuti kwete zvinofanira kuendeswa kumatunhu ese munyika kwete kuti zvingoitwa muHarare sezviri kuitika pari zvino.

Vanachiremba vanonzi vaudzawo mutungamiriri wenyika kuti zvingave nani kana chipatara chikuru munyika, cheParirenyatwa chikashandiswa kuvarwere veCoronavirus sezvo chine michina yese inodiwa kurapa vanhu vakadai.

Vana chiremba vatiwo chipatara cheWilkins, icho chiri kushandiswa pari zvino, hachina zvese zvinodiwa pakurapa varwere veCoronavirus.

Imwe nyaya yataurwa ndeyekuti vanachiremba, vakoti, nevamwe vashandi vemuzvipatara, vanofanira kuchengetedzwa kubva kuchirwere ichi.

Zvanziwo vanamukoti vakawanda vanobatsira varwere vasingazive kuti vanhu ava vane Coronavirus uye zvinozobuda pachena panoshaya murwere.

Vataura pamusango wanhasi vati zvakakosha kuti vanamukoti ava vongororwe kuti havana kubata hutachiwana hweCoronavirus here.

Vatiwo hurumende inofanira kubhadhara vashandi vezvehutano mari dzekubatsirikana dzayakavimbisa vachiti pari zvino mari haisati yave kubhadharwa.

VaMnangagwa vanonzi vabvuma kuti zvakakosha kuti vanhu vakawanda vaongororwe uye vavimbisa kutarisa zvimwe zvichemo zvavanachiremba nevakoti.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vati nyika inotarisira kuwana michina kana kuti maRapid Test Kits ekuongororo kuti munhu ane hutachiwana hweCoronavirus zviuru makumi mana, uye izvi zvichabatsira kuongorora vanhu vakawanda.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kusangano ravana chiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, kanawo kusangano revakoti reZimbabwe Nurses Association.

Musangano wanhasi unoitika mushure mekunge mumwe murwere weCoronavirus uye aive nemakore makumi mashanu, ashaya muHarare nezuro.

Munyika mave nevanhu gumi nemumwe vakabatwa neCoronavirus uye vatatu vacho vakashaya.

Pasi rose vchirwere ichi chabata vanhu vanosvika miriyoni nemazana mashanu ezviuru, uye kuuraya vanhu vanosvika zviuru makumi mapfumbamwe.

Zvichakadai, bazi rezvehutano rave kuongorora mumwe mukadzi akashaya kuChiredzi nemusi weChipiri kuti ainge aine Coronavirus here kana kuti kwete.

Mukadzi uyu anonzi akaendeswa kuchipatara achifungidzirwa kuti aive neCoronavirus asi paakashaya ongororo iyi yange isati yaitwa.

Mutumbi wemukadzi uyu hausati wavingwa uye zvakabuda muongororo iyi zvinotarisirwa kuziviswa nhasi.

Mune imwewo nyaya kanzuru yeHarare iri kuenderera mberi ichigadzira zvibvorani zvakafa mumisha inogara veruzhinji kuitira kuti vanhu vawane mvura yakachena iyo yakakosha pakudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vati vanotaririsira kuti zvibhorani zvese muguta zvichange zvave kushanda munguva pfupi inotevera uye zvichiburitsa mvura yakachena.

Kanzura weWard 30 mumusha weGlenView, VaCharles Chidhagu, vati chirongwa chiri kuitwa nekanzuru chakosha sezvo kanzuru isiri kukwanisa vagari mvura yemupombi.

Mumiriri weMufakose muNational Assembly, Amai Susan Matsunga, vanoti vanofara chose nekuti zvibhorani zvizhinji zvange zvakafa munzvimbo yavo zvakagadzirwa.

Rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Resident Association, nhasi rapa vamwe vagari vemuWard 19 ne 21 kuMabvuku sipo nemaSanitizer ekushandisa pazvibhorani kudzirira kupararira kweCoronavirus.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya