Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakumikidza dhamu reMuchekeranwa, iro riri parwizi Mucheke, pamuganhu wematunhu eMashonaland East neManicaland, iro rinonzi richarerutsa dambudziko remvura munharaunda iyi pamwe nedhorobha reMarondera.
VaMnangagwa vaparurawo chirongwa chekuchengeta hove pasi pehomwe yemutungamiri wenyika, yePresidential Community Fisheries Scheme, pamwe nemadiridziro eMuchekeranwa Irrigation Project, zvirongwa zvinonzi zvinotsigirwa nehurumende ichishanda pamwe nemadzisahwira ayo.
Bepanhau reHerald rinoti mutungamiri wenyika vati kwemakore akawanda mvura yanga ichingoerera munzvimbo iyi isiri kuchengetedzwa, asi iye zvino vazouya nezano rekuti isimudzire hupenyu hwevanhu kana dai kusiri kunaya.
VaMnangagwa vatiwo mvura hupenyu uye muhupenyu vanhu vanoda mvura, nekudaro inofanirwa kuchengetedzwa.
Dhamu reMuchekeranwa, iro raimbozivikanwa seCauseway Dam, rinonzi rakavakwa nemari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica, uye rinochengeta mvura inosvika zviuru makumi manomwe nezvishanu zvema mega rita.
Mhuri dzinodarika zana nemakumi mana dzinonzi dzakabviswa pamisha yadzo kuitira kupa mukana wekuvakwa kwedhamhu iri.
Mukuru wesangano rinokurudzira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti nekuda kwemamiriro ekunze ari kushanduka, chinhu chakanaka chose kuti kuvakwe madhamu anochengetedza mvura, zvikuru nemanairo akaita mvura gore rino.
Asi VaMaguwu vanoti vanokurudzira kuti zvisazongoperera mukuvaka madhamu chete, asi kuti kuparurwewo zvirongwa zvinobatsira vagari vakakomberedza madhamhu aya, zvakaita sekurima pamwe nekuchengeta hove.
Your browser doesn’t support HTML5