Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vanoti Zimbabwe ichaita sarudzo dzakachena uye murunyararo.
Vachitaura kumusangano we BRICS uri kuitirwa mu South Africa, VaMnangagwa vatenda nyika dziri muBRICS idzo dzakatumira vaongorori vesarudzo kuZimbabwe.
VaMnangagwa vavimbisawo vatungamiri venyika idzi kuti hurumende yavo ichaita sarudzo dzakachena, uye dzisina mutauro.
Zimbabwe iri kuita sarudzo nemusi weMuvhuro mushure mekunge VaMnangagwa vatungamira nyika kwemwedzi misere, zvichitevera kubviswa pachigaro chemutungamiri wenyika kwakaitwa VaRobert Mugabe muna Mbudzi gore rapera pasi pechirongwa chemauto che Operation Restore Legacy.
Sarudzo idzi ndedzekutanga mumakore makumi matatu nemasere dzisina VaMugabe, uye makore gumi nematanhatu mutungamiri weMDC wekutanga, Va Morgan Tsvangirai vasingakwikwidzi zvichitevera kushaya kwavakaita muna Kukadzi gore rino.
VaMnangagwa vabatana nevatungamiri venyika shanu dzinoti Russia, Brazil, India, South Africa neChina.
Asi Zimbabwe haisi nhengo yeBRICS.
VaMnangagwa vati zvinangwa zveBRICS zvakafanana nezvinangwa zvavanazvo mukusimudzira hupenyu hwevanhu pamwe nehupfumi hwenyika.
Vatungamiri venyika dzemuSADC vapindawo mumusangano weBRICS, kunyange hazvo nyika dzavo dzisiri nhengo dzeBRICS.
Your browser doesn’t support HTML5