VaKudakwashe Tagwirei Vokonzerazve Mutauro neZvipo Zvavo kuVakuru muHurumende

Vanhu vakawanda munyika kusanganisirawo magweta nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari kushora zvikuru munyori mubazi rinoona nezvemari, VaGeorge Guvamatanga avo vakapihwa zvipo zvakawanda nemumwe muzvinabhizimisi anova zvekare chipangamazano chemutungamiri wenyika VaKudakwashe Tagwirei.

Nyanzvi idzi dzinoti zvipo izvi zvakafanana nechiokomuhomwe pachitariswa basa raVaGuvamatanga.

VaTagwirei vanonzi vakapa VaGuvamatanga mari inoita zviuru makumi mashanu zvemadhora ekuAmerica kana kuti US $50, 000), pamusoro pendege yekuvaendesa kuUnited Kingdom kunoona mutambo wenhabvu.

Izvi zvakaitika apo VaGuvamatanga vakanga vachipemberera zuva ravo rekkuberekwa.

Nyanzvi mune zvemitemo, Advocate Thabani Mpofu, vaudza Studio 7 kuti mubati wehomwe yehurumende haafanirwi kutambira mari inobva kumunhu ari kupomerwa mhosva dzehuori. VaTagwirei vakatemerwa zvirango nenyika yeAmerica vachipomerwa mhosva dzehuori.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaThabani Mpofu

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZANU-PF, Doctor Simba Mavaza, vati kana mutsigiri weZanu-PF akapara mhosva, hazvirevi kuti imhosva yeZanu-PF.

Doctor Mavaza vati nyaya iyi inonyadzisa zvikuru, vachiti hurumende inofanirwa kuiongorora zvakadzama.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Masimba Mavaza

VaGuvamatanga vanoti havo vagara vaine mari dzavo sezvo vakashanda kuBarclays Bank kwemakore akawanda.