VaMnangagwa Vanoregerera Vamwe Vasungwa Vari Mumajeri eMunyika

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vashandisa masimba avo kuregerera vasungwa vari mumapoka akawanda senzira yekuderedza huwandu hwevasungwa vari mumajeri.

Vasungwa vanosvika zviuru zvitanhatu vanotarisirwa kuregererwa padanho raVaMnangagwa iri.

Gore roga-roga mutungamiri wenyika vanoshandisa masimba avo kueregerera vasungwa vane huwandu hwakasiyanasiyana senzira yekuderedza huwandu mumajeri emunyika, ayo anokwanisa kutakura chete vasungwa zviuru gumi nezvitanhatu.

Asi gore rino izvi zvasangana nekurudziro yekuti huwandu hwevasungwa vari mumajeri emunyika huderedzwe senzira yekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hunokonzera chirwere checoronavirus.

Pasi pemutemo weClemency Order No. 1 wegore rino ra2020, VaMnangagwa varegerera madzimai ose ari mumajeri apika chidimbu chepakati chemitongo yavo, kusiya kweavo vakapara mhosva huru kwazvo.

Vamwe varegererwa vana vane makore ari pasi pegumi nemasere vapika chikamu chimwechete kubva muzvitatu zvemitongo yavo, vasungwa vane mitongo iri pasi pemwedzi makumi matatu nemitanhatu vapika chidimbu chepakati chemitongo yavo, nevasungwa vave nenguva yakareba vachirwara.

Vamwe vawaniswa mukana wekubuda mujeri vasungwa vakanga vakatongerwa rufu vakazonzi vagare mujeri hupenyu hwavo hwose vanga vagara kwemakore makumi maviri nemashanu kubva pavakatongerwa rufu.

Vasungwa vane makore makumi manomwe zvichikwira vari kubatsirwawo netsiye nyoro yemutungamiri wenyika iyi.

Vasungwa vose vari pasi pehurongwa hweOpen Prison vari kuregererwawo pasi hehurongwa uhwu.

Asi vasungwa vakapara mhosva dzekuponda, vakamboregererwa vakazosungwa zvakare, vakatongwa nematare echiuto, kana vane mbiri yekutiza kubva kumajeri havasi kunzwirwa tsitsi pasi pehurongwa uhwu.

Mukuru wesangano rinoshanda nevasungwa vechidzimai, reFemale Prisoners Trust, Doctor Beauty Rita Nyamupinga, vanoti sesangano vanotambira nemufaro danho ratorwa nemutungamiri wenyika iri.

Doctor Nyamupinga vanoti sezvo vasungwa vachiramba vachingokandwa mumajeri zuva nezuva kunyange hazvo vamwe vaburitswa, vanokurudzirawo kuti vezvehutano mumajeri vaongorore zvakasimba vasungwa vatsva vose, kana zvichibvira nekutombovaisa pavo voga kwemazuva gumi nemana.

Vanotiwo vemajeri vanofanirwa kuraira zvakasimba vasungwa vose vachaburitswa pamusoro pechirwere checoronavirus ichi nekuipa kwacho kuitira kuti vabude vachiziva zvavari kunosangana nazvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Beauty Rita Nyamupinga

Zvichakadaro, rimwe sangano rinorwira budiriro yenharaunda reFastforward Community Development Centre, iro rakanga ranyorerawo mutungamiri wenyika tsamba richivakurudzira kuti vaburitse vamwe vasungwa vari mumajeri nekukasika, rinoti ratambira nemufaro mukuru danho ratorwa naVaMnangagwa iri.

Mukuru wesangano iri, VaAkson Potera, vanoti kunyange hazvo vasina kuwana mhinduro kubva kumutungamiri wenyika, izvo zvavaita zvekuregerera vasungwa izvozvo imhinduro hombe kuvana veZimbabwe vose vanga vachikurudzira kuti huwandu hwevasungwa huderedzwe mumajeri senzira yekudzivirira kupararira kwecoronavirus.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAkson Potera