Sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kuenda kumapurisa nhasi kuti rizive paamire pachiziviso charakasvitsa kumapurisa chekuti riri kuda kuratidzira nemusi weChishanu svondo rino kuburikidza nekufora migwagwa yemuguta reHarare.
Munyori wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vanoti vakazivisa mapurisa kuti vari kuda kupinda mumigwagwa yemuHarare vachifora vachienda kumahofisi ePremier Service Medical Aid Society pamwe nemamwe mahofisi ehurumende vachinosiya matsamba enyunyuto, asi mapurisa ari kuda kuti kungoenda nhengo dzesangano iri gumi chete, izvo zvavari kuramba.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanga vasingabatike panharembozha yavo.
PTUZ inoti iri kuda kuratidzira nemusi weChishanu, ukuwo rimwe sangano revarairidzi, reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, richitiwo nhengo dzaro dzicharegawo kuenda kumabasa nemusi weChina neChishanu dzichinyunyuta nemabatirwo adzinoti dziri kuitwa nehurumende.
Your browser doesn’t support HTML5