Muchuchisi Mukuru weNyika Otoreswa Mhiko Kunyange Paine Mutauro Wakawanda

  • Jonga Kandemiiri

VaKumbirai Hodzi vari kutoreswa mhiko panguva iyo matare edzimhosva azere nevanhu vari kutongwa vakasungwa munguva yemhirizhonga.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutoresa mhiko VaKumbirai Hodzi semuchuchisi mukuru wenyika kana kuti Prosecutor General, kunyange hazvo paine mutauro wakawanda nekuda kwekusharwa kwavo.

VaHodzi vari kutarisirwa kutora chigaro chakasiiwa nevaive muchuchisi mukuru wenyika, VaRay Goba, avo vakadzingwa basa gore rapera.

Vane ruzivo nezvenyaya iyi vanoti VaHodzi havasi pakati pemazita evanhu vatatu vakabudirira mubvunzo dzekutsvaga muchuchisi mukuru dzakaitwa muna Mbudzi wegore rapera dzichitungamirwa neboka reJudicial Service Commission.

Asi vanonzi vakasarudzwa nekuda kwekudyidzana kwavo nehurumende uye nekuda kwevamwe mubato reZanu PF vanoona sekunge ndivo munhu anokwanisa kushandika naye.

Vatatu vakanga vabudirira pavanhu gumi vakatora bvunzo idzi ndaVaTichaona Calvin Mantsebo, VaTinomudaishe Chinyoka, pamwe nemutungamiri weLaw Society of Zimbabwe, VaMisheck Hogwe, ivo VaHodzi vakaenda pachinhanho chechitanhatu.

Asi VaMnangagwa vanonzi vakaramba mazita evatatu ava nekuda kwekuti havasi pedyo nebato riri kutonga reZanu PF.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusoro paHoward University muWashington D.C., VaCalvin Manduna, vanoti kudomwa kwaVaHodzi kuve muchuchisi mukuru wenyika ivo vakakundikana mubvunzo dzakaitwa kunozvidza mabasa ezvemutemo munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCalvin Manduna