Vanhu Makumi Mashanu Vanobatwa Vaine Mhando yeOmicron Variant

Vanhu makumi mashanu vanonzi vakabatwa vaine mhando itsva yeCovid-19 yeOmicron variant muZimbabwe.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Doctor John Chamunorwa Mangwiro, vati ropa rakaongororwa iri raive rabva kuvanhu makumi maviri vakabatwa nedenda iri paMasvingo Teachers College, vatambi venhabvu makumi maviri nevaviri vechikwata che Under 17 National team, uye vamwe vanhu vasere.

VaMangwiro vati ropa rese makumi mashanu rakavhenekwa rakawanikwa ruine hutachiona hwemhando itsva yeCovid -19 yeOmicron variant.

VaMangwiro vatiwo vashandi vese vanoshanda nekurwisana nechirwere cheCovid 19 pamwe nevese vanorarama nezvirwere zvehupenyu hwese vave kufanirwa kubaiwa nhomba yetatu.

VaMangwiro vatiwo kukwira kwehuwandu hwevari kubatiwa nehutachiona hweCovid -19 mucherechedzo wekuti nyika yapinda pachikamu chechina kubva zvatanga denda riri kana kuti 4th wave.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vati ongororo iyi inoratidza kuti mhando yeCovid-19yeOmicron ratova dambudziko guru munyika.

Zimbabwe yava pakati penyika dxzinodarika makumi mashanu, idzo dzinosanganisira America, Britain, Brazil nedzimwe dzine vanhu vane chirwere chemhando yeOmicron variant pasi rose zvichitevera kubuda kweSouth Africa pachena mwedzi wapera ichiti yainge yawana hutachiona uhu munyika iyi.

Nyika dzakawanda dzakabva dzamisa kutambira vanhu vanobva kunyika nomwe dzekuchamhembe kweAfrica dzinosanganisira South Africa, Zimbabwe, Namibia, Mozambique, Lesotho, Eswatini neBotswana.

Zimbabwe inoti iri kutora matanho ekuona kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika kuburikidza nekuti vanenge vapinda munyika vachibva kudzimwe nyika, kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe, vazvipatsanure kwemazuva akatarwa nehurumende mushure mekuvhenekwa chirwere ichi pavanopinda munyika.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti hakuna munhu akafa nedenda iri munyikayose izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi vangori pazviuru zvina nemazana manomwe nevanomwe, 4 707.

Vanhu chiuru chimwe chete nemakumi mana nevaviri vakabatwa nedenda iri nezuro wakare izvo zvakasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vava zviuru zana nemakumi matatu nezvitanhatu nemazana matatu nemakumi manomwenevapfumbamwe(136,379).

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga munyika vave mamiriyoni matatu ane zviuru mazana masere nemakumi maviri nezvipfumbamwenemazana matanhatu ane makumi matatu nevatanhatu(3 829 636).

Vabayiwa nhomba yechipiri vave mamiriyoni maviri ane zviuru mazana
masere nemakumi mashanu nechimwe nemazana matanhatu ane makumi maviri nevashanu (2 851 625).

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti inoda kubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere