Zimbabwe Inoona Vanhu Vashoma Vachibayiwa Nhomba yeCovid-19

Health Services Board Head Dr Paulinas Sikhosana BYO Covid-19 vaccine

Chikamu chekutanga chekubaya nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 icho change chichifanirwa kupera nezuro, chiri kuenderera mberi
zvichitevera vanhu vashoma vakazvipira kubayiwa nhomba iyi.

Vakafanobata chigaro chemukuru mubazi rezvehutano mudunhu
reMashonaland West, Dr Tapiwa Dhliwayo, vati kunyange hurongwa hwanga huri hwekuti chikamu chekutanga chiitwe mumazuva gumi, izvi zvakatadza kuitika.

Dr Dhliwayo vati vari kuenderera mberi vachibaya vose vaitarisirwa
kubayiwa muchikamu chekutanga kusvika vapera.

Asi mumwe chiremba ari kuona kufambiswa kuri kuitwa chirongwa chekubayiwa nhomba kuti chiri kufamba zvakanaka here mudunhu reMashonaland West, Dr Paradzai Mudzengere, vati havasati vave kuziva kuti voenderera mberi nekubaya vanhu vanofanirwa kubayiwa muchikamu chepiri here sezvo pasina shoko ravati vawana kubva kubazi ravo.

Dunhu reMashonaland West raitarisirWa kubaya vanhu zviuru zvishanu
nemazana matatu nenegumi nevatanhatu, kana kuti 5 316, asi rakakwanisa kubaya chiuru chimwechete nemazana mapfumbamwe nevapfumbamwe kana kuti 1909 muchikamu chekutanga.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vati kubayiwa nhomba
kuchiri kuenderera mberi nyika yose asi vati havangataure kuti vanhu
vakabayiwa vashoma pane vaitarisirwa here sezvo vasati vave nemanhamba enyika yose.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota muhurumende
yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti vanhu havafanirwe
kumanikidzwa kubayiwa nekudaro hurumende inofanirwa kuenderera mberi nekubaya vari kuda kubayiwa chete.

Dr Madzorera vanoti semaonero avo zvingangodaro kuti avo vari kuramba
kubayiwa vari kuda kubayiwa imwe nhomba isiri yekuChina saka nekudaro
vanofanirwa kupihwa mukana wavanoda.

Vachipa hurongwa hwekuti ndiani anobayiwa muzvikamu zvitatu mukuru anoona nezvehurongwa hweCovid-19 Task Force, Dr Agnes Mahomva, vati muchikamu chekutanga chine hurongwa huviri kana kuti 2 stages.

Vati chikamu chekutanga ndicho change chichibayiwa vashandi vanoshanda nevanhu kana kuti frontline workers change chichifanirwa kupera nezuroasi chiri kuenderera mberi kusvika vose vanofanirwa kubayiwa vabayiwa.

Dr Mahomva vati chikamu chechipiri muchikamu chekutanga, kana kuti stage 2 ichange ichibayiwa vabvezera vave kumakore makumi matanhutu kana kudarika, vasungwa, vane zvirwere zvinovanetsa pamwe
nevapoteri vanogara munzvimbo dzakatsaurwa kana kuti ma refugees.

Chikamu chechipiri chichabayiwa nhomba vadzidzi vemuzvikoro
zvepamusoro nevose vemuzvioro uye chikamu chechitatu chinove
chekupedzisira chichabayiwa vose vasiri panjodzi huru yekubatwa
nechirwere cheCovid-19.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu zviuru zviviri nemazana
masere nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kuti 2 893 vakabayiwa nhomba nezuro izvo zvakasvitsa vanhu vabayiwa nhomba nyika yose pazviuru makumi maviri nezvinomwe nemazana mapfumbamwe nemakumi manomwe kana kuti 27 970.

Vanhu vatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, ukuwo vanhu vatsva makumi matatu nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mukusvika mukupera kwezuva ranezuro, Zimbabwe yanga yave nevanhu chiuru nemazana mana nemakumi manomwe nevasere, 1478, vafa nechirwere cheCovid-19, ukuwo vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose, vava zviuru makumi matatu nezvitanhatu nezana nemakumi manomwe nevapfumbamwe, 36 179.

Vanhu vachiri kurwara nechirwere ichi vava chiuru nemazana matatu nevapfumbamwe, zvichitevera kupora kwevanhu zviuru makumi matatu nezvitatu nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri, kana kuti 33 392.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena