Bank guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), raparura hurongwa hwemari hutsva kwekuti mabhanga munyika atange kutenga mari yekunze izvo rinoti zvichauraya musika mutema.
RBZ inoti hurongwa hutswa uhu huchaita kuti mari yekunze iwande munyika, kudzikisa mutengo wemari yekunze, pamwe nekudzikisa mitengo yezvinhu izvo zvange zvave kuvhiringa raramo yevanhu munyika.
Vachiparura hurongwa hwawo hweMonetary Policy, gavhuna weRBZ, VaJohn Mangudya, vati kuti izvi zvitange kuitika, mari yese yeReal Time Gross Settlement (RTGS) nemabhondi iri mumabhanga, yave kutorwa semaRTGS dollars uye mari iyi ndiyo ichange yave kuchinjwa nemadhora ekuAmerica kana dzimwe mari dzekunze.
Vati mari iyi ndiyo ichange yave kushandiswa kutenga mari yekunze pamusika wemumabhanga kana kuti Inter-Bank Foreign Exchange Market.
VaMangudya vati bhanga ravo ratora matanho ekuti mutengo wemari yekunze hausi kuzokwira zvakanyanya uyewo vati vachange vachiongorora kuti mabhanga ari kutenga nekutengesa mari yekunze zviri pamutemo.
Vatiwo veruzhinji vachange vave kukwanisa kutengesa mari yavo yekunze mumabhanga.
Vatiwo vaya vanotumirwa mari kana kutambira mari kubva kunze kwenyika vacharamba vachipihwa mari dzavo ari madhora ekuAmerica.
VaMangudya vati vanoona sekuti matanho avatora achabvisa musika mutema wemari, kudereredza mutengo wemari yekunze, izvo vati zvichaderedza mitengo yezvinhu munyika.
Vatiwo izvi ndozvange zviri kudiwa nevemabizimisi.
Muzvinabhisimisi, VaOswald Binha, vaudza Studio7 kuti zvaitwa naVaMangudya ndizvo chaizvo zvavange vakatarisirira sezvo zvange zviri pachena kuti huremu hwema bond notes hauenderani nehuremu hwemadhora ekuAmerica.
Asi vati pachine mamwe matanho anofanira kutorwa nehurumende kuti zvinhu zvinyatsofamba zvakanaka munyaya dzemabhizisimisi.
Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaPersistence Gwanyanywa, vaudza Studio7 kuti danho ratorwa neRBZ rakanaka chose uye zvinogona kuti nyika iwane mari yekunze yakawanda.
Asi vati RBZ inofanira kushanda zvakanyanya kudzivirira zvipingaidzo zvinogona kumuka apo matanho aya anotanga kushanda.
VaMangudya vati vemakambani vakawanda vange vave kutenga mari yekunze pamukoto kuitira kuti vatenge zvinhu zvinokosha.
Pari zvino dhora rimwe rekuAmerica rinokosha mana mana kana kudarika pamukoto.
VaMangudya vati matanho avatora achaderedza mutengo uyu zvakanyanya uye kana izvi zvaitika, mitengo yezvinhu ichadzikirira.
Your browser doesn’t support HTML5
Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemari, uye vaimbove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vanoti zvataurwa nehurumende zvinoratidza kuti dhora remuZimbabwe radzoka pachishandiswa rimwe zita.
VaBiti, avo vakayambira nyika kuti hurumende iri kuda kudzosa dhora remunyika nerweseri, vanoti havasi kufara nehurongwa hwagavhuna webhanga guru, sezvo mari dzevanhu dziri mumabhangi dzasiyiwa dzisina kuchengetedzwa nehurongwa hwaturwa nhasi.
VaBiti vanotiwo vanhu vanofanirwa kutarisira kukwira kwemitengo yezvinhu uye kushaikwa kwezvinhu zvizhinji munyika.
Your browser doesn’t support HTML5