VaMangudya Votarisirwa Kuburitsa Hurongwa hweMari

Doctor John Mangudya

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Panonetsa Mangudya, vachaburitsa gwaro remashandiro avanotarisira kuita nyaya dzemari munyika, kana kuti Monetary Policy Statement.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti gwaro raVaMangudya rinofanirwa kuratidza gwara rekutevera mari yeZimbabwe isati yadzoswa kuti itsive yekunze kwenyika.

Nyanzvi idzi dzinoti nguva yekudzora dhora reZimbabwe haisati yasvika.

Imwe yenyanzvi mune zvehupfumi nezvemari uye vachishanda nePercycon Global Fund Managers, VaPersistance Gwanyanya, vanoti nguva yekuita dhora remuZimbabwe haisati yasvika.

VaGwanyanya vanoti Zimbabwe inofanira kushandisa mari yekunze pari zvino uye hurumende inofanirwa kusapindira mubasa re Reserve Bank of Zimbabwe sezvo zvematongerwo enyika zvisingagone kutungamira mashandiro anoita mabhanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPersistance Gwanyanya

Zvichakadaro, imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaRejoice Ngwenya, vanoti havasi kufara nemashandiro ari kuitwa nemabhanga emunyika, vachiti mabhanga haasi kupihwa mukana wekuita mabasa awo akasununguka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya