Kanzuru yeHarare Yopikisa Mutongo Unoraimbidza Kuvharira Vagari Mvura

  • Jonga Kandemiiri

Vagari vanenge vavharirwa mvura vanopedzisira voshandisa mvura inobva mumatsime asina kuchena

Kanzuru yeguta reHarare yazivisa kuti iri kupikisa mutongo wakaturwa nedare repamusoro reHigh Court svondo rino wekurambidza kanzuru kuvhara mvura kuvanhu vanenge vaine zvikwereti kukanzuru senzira yekuvamanikidza kubhadhara zvikwereti zvavo.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo yatosvitsa magwaro ayo ekupikisa mutongo uyu kudare repamusorosoro reSupreme Court.

VaChideme vanoti nekuda kwekupikisa kwavaita mutongo uyu, kanzuru yavo icharamba ichi vharira vane zvikwereti mvura kusvika nyaya yavo yanzwikwa neSupreme Court.

Kanzuru yeHarare haisi iyo yoga iri kuvhara mvura senzira yekumanikidza vagari kuabhadhara zvikwereti zvavo.

Kanzuru yeguta reBulawayo inonzi iri kuvharawo mvura dzevagari vane zvikwereti, kunyange hazvo paine mutongo wedare repamusoro uyu, uyo unoti makanzuru haafanirwe kuvhara mvura yevagari kana asina magwaro anobva kumatare edzimhosva kana kuti court order.

Dare reHigh Court rakapa mutongo uyu mushure mekunge mugari wemuHarare uye vari gweta, VaTinofara Hove, vaendesa kanzuru kumatare vachida kuti kanzuru isavavharire mvura yavo isina magwaro ekumatare kana kuti court order.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMichael Chideme