Vamwe Vari Kunze kweNyika Vanoti Vakatiza Munyika Nekuda kwaVaMugabe

  • Jonga Kandemiiri

Vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakashaya neChishanu chadarika kuSingapore.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyanasiyana zvinoti zvakamanikidzwa kubuda munyika nekuda kwehutongo hwaVaRobert Mugabe, avo vazvinoti vaitonga nedemo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paBergen University kuNorway, uye vari nhengo yesangano reZimbabwe Yadzoka/Mayibuye Zimbabwe, Doctor Victor Chimhutu, vanoti kunyange hazvo VaMugabe vaionekwa semunhu airwira kuti vana vemuAfrica vabatane, imwe mhuri yeZimbabwe yakanga isingavaone saizvozvo.

Doctor Chimhutu vanoti kubatana kwaiita VaMugabe nevamwe vatungamiri vemuAfrica ndizvo zvimwe zvakaita kuti varemekedzwe zvakanyanya nevatungamiri venyika dzemuAfrica.

Vanoti VaMugabe munhu acharangarirwawo zvakanyanya kuburikidza nekutuka pamwe nekutaura zvavaifunga pamusoro penyika dzekumawirira pamwe nekushoropodza kwavaiita vatungamiri venyika dzakaita seAmerica neBritain.

VaMugabe vanonzi vainge vasingarovewo imbwa vakaviga mupinyi kana dzimwe nhengo dzebato ravo reZanu PF dzakatsautsira, kanawo pavaituka vemapato anopikisa.

VaMugabe vari kutarisirwa kuradzikwa nemusi weSvondo, kunyange hazvo pasati paziviswa kuti vacharadzikwa kupi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Victor Chimhutu