Varairidzi Votaura Pamusoro peZvakabuda Mubvunzo dzeGrade7

  • Jonga Kandemiiri

Obert Masaraure

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalagamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti kusabuda zvakanaka kwevana vakawanda vekumaruwa mubvunzo dzeGrade 7 mucherechedzo wemukaha uripo pakati pezvikoro zvemumaguta nezvekumaruwa munyaya dzezvikwanisiro pamwe nehunyanzvi hwevarairidzi vanozvipira kunoshandira kumatunhu aya.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti zvakabuda mubvunzo idzi zvinoratidza kuti mazamanishoni ave kungopaswa nevana vane vabereki vane mari dzekukwanisa kupa vana vavo zvikwanisiro zvinoita kuti vawedzere ruzivo.

VaMasaraure vanoti vabereki vakawanda vari kumaruwa varombo, uye hakuna zvikwanisiro zvakaita semadandemutande ekuti vana vadzidze vari kumba, zvikuru munguva ino yekuvharwa kwezvikoro nekuda kwedenda reCovid-19.

Zimbabwe School Examinations Council, Zimsec, yakazivisa nezuro kuti zvakabuda mubvunzo dzeGrade 7 zvave kuwanikwa munzvimbo dzakanyorerwa bvunzo.

Zvakabuda izvi zvinoratidza kuti vana vekumaruwa, zvikuru kumatunhu ematunhu eMatabeleland, vakakundikana zvakanyanya, kuchitiwo zvikoro zvemuHarare ndizvo zvine vana vakawanda vakabudirira zvemhando yepamusorosoro.

Chikoro che Aspindale chiri muHarare ndicho chakatora mukombe pazvikoro zvose zvemunyika.

Asi mutauriri weZimsec, Muzvare Nicholette Dhlamini, vati gwaro riri kutenderedzwa pamadandemutande richiratidza kugona nekutadza kwakaita zvikoro pabvunzo dzeGrade7 harina kubva kuhofisi yayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure