Bazi rinoona mamiriro ekunze, re Department of Metrological Services, rinoti riri kuona kusagadzikana kwekunze munzvimbo yeManicaland zvikuru kuChimnaimani neChipinge, richiti zvariri kuona ndizvo zvinowonekwa kana dutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti cyclone yave pedyo nekusvika.
Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa nenyanzvi dzinoona mamiriro ekunze pasi pose, kuti pane dutumupengo remvura remafashanu emvura riri kuumbika mugungwa reIndian Ocean. Dutumupengo nemafashamu iri rakatangira kuMadagascar richitarisirwa kurova kuBeira nekuManicaland.
Sangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, ratotanga kugadzirira mabitsirirwo angaitwa vanhu nekuvawanisa pekupotera uye chikafu.
Sangano rePlatform For Youth and Community Development Trust nemamwe masangano akazvimirira ega, vakagara pasi vakasarudza nzvimbo dzinoita makumi matanhatu muChipinge dzekuti vanhu vakwanise kuzotizira kukauya mafashamu nedutumupengo.
Mukuru wesangano iri, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti chimwe chinhu chikuru chavari kuedza kugadzirisa ndechokuti, nguva dzose, vanhu vagare vaine ruzivo pamusoro pezviri kuitika kuitira kuti zvizova nyore kuvabatsira kuti vaende kunzvimbo dzavanogona kuvanda kusvika rapfuura.
Your browser doesn’t support HTML5