Zvikoro Zvovhurwa Paine Makatanwa Pakati peVarairidzi neHurumende

Children From Zimbabwe

Takavafira Zhou

Vadzidzisi vakawanda vanoti havasi kuenda kubasa panovhurwa zvikoro nemusi weMuvhuro sezvo nyaya dzemihoro yavo dzisati dzagadziriswa uye vasina zvikwanisiro zvekushandisa kana vari pabasa, ukuwo vabereki vachiti havana mari dzekubhadharira dzidzo yevana vavo.

Vachitaura pamusangano wakokerwa nemasangano anomiririra vadzidzisi eZimbabwe Amalgamated Rural Teachers of Zimbabwe, ARTUZ, neProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, padandemutande reFacebook vadzidzisi vakawanda vati havana mari dzekudzokera kuchikoro nemusi weMuvhuro.

Vadzidzisi avo vati pamusoro pemihoro isingakwane iyo inopera musi wavanoipihwa, havana zvikwanisiro uye zvikoro zvakawanda hazvina mvura.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vati vadzidzisi vabuda pachena kuti zvakona n’anga murapwa achida vachiti havakwanise kuenda kuzvikoro neMuvhuro.

VaZhou vati hurumende inokanganwa kuti vadzidzisi vaberekiwo vanofanirwa kubhadharira vana vavo mari dzechikoro.

Mumwe mudzidzisi, VaRosten Mutapwa, avo vati ivo semubereki vanofanirwa kubhadharira vana vavo mari yechikoro, kutenga nhumbi dzechikoro uye kuzowana mari yekuenda kubasa.

Mumwe mudzidzisi ari nhengo yeARTUZ, Amai Linia Nkiwane, vati hurumende inofanirwa kushandisa imwe mari yayakapihwa serubatsiro neInternational Monetary Fund kubhadhara vadzidzisi nekuvawanisa zvikwanisiro.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vatiwo zvikoro zvichavhurwa mikova asi hapana kudzidzwa kunenge kuchiitwa.

Obert Masaraure




Mumwe mubereki akataura pamusangano uyu, Amai Mildred Kambaira, vati havaone vachikwanisa kuunganidza mari yevana vavo vatatu vanoenda kuchikoro.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakataura nezuro muSenate kuti vabereki vasina mari vanofanirwa kutaura nevakuru vezvikoro kuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechikoro pashoma nepashoma.

Asi Amai Kambaira vati mashoko Amai Mutsvangwa haana musoro sezvo zvavanotaura zvisingateererwe nevakuru vezvikoro avo vanoda mari dzechikoro mwana asati atanga kudzidza.

Mutungamiri webato rinopikisa Labor Economists and Afrikan Democrats, Muzvare Linda Masarira, vati vanofarira danho rekuvhurwa kwezvikoro sezvo vana vanga voita misikanzwa yekunwa nekuputa zvinodhaka.

Asi vati hurumende ingadai yakapa vabereki nguva yekutsvaga mari dzechikoro kwete kuvapa nguva pfupi sezvayaita izvi.

Muzvare Masarira vati hurumende inofanirwa kuona kuti mitemo
yekudzivirira Covid-19 yachengetedzwa muzvikoro kusanganisira kubayiwa
nhomba kwevadzidzisi muzvikoro.

Asi vati havakurudzire kuti vadzidzisi varamwe mabasa.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati vanokurudzira vadzidzisi vose kuti vang vari muzvikoro pazvinovhurwa nemusi weMuvhuro.

Hurumende inoti zvikoro zviri kuvhurwa musi Nyamavhuvhu 30 zvichivharwa musi wa Zvita 17, 2021.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena