Vabereki Votsamiswa neHurumende Zvichitevera Kuvhurwa kweZvikoro Vasina Kugadzirira

Zimbabwe

Vadzidzisi nevabereki vakawanda vanoti hurumende yavapa nguva pfupi yekugadzirira kuvhurwa kwezvikoro asi hurumende ichiti hapana chayatadza sezvo zvikoro zvaifanirwa kuvhurwa musi wa28 Chikumi uyo wakadarika kare.

Vakawanda vanoti hurumende yakavapa nguva shoma yekugadzirira payakazivisa nezvekuvhurwa kwezvikoro nezuro sezvo vanhu vakawanda vasingagare vaine mari nguva dzose uye kuri kupera kwemwedzi apo vanhu vanenge vachibhadhara marendi nezvimwe.

Mumwe wevabereki ava, Amai Gloria Kapuya, vati vapihwa nguva shoma yekugadzirira.

Mumwe mubereki, VaMunashe Mugari, vati hapana chiri kuvhurwa sezvo hurumende iri kungoda kuti vabereki vabhadhare mari dzechikoro asi pasina kudzidzwa kuchaitwa.

Mutauriri wesangano rinomiririra vadzidzisi reZimbabwe Teachers Union, VaGoodwill Taderera, vati hurumende inoita fungira mumoyo rwendo rwembwa isingazivise vamwe vanechekuita nedzidzo munyika.

VaTaderera vati hurumende yakavanyengedza kuti vaite musangano asi
haina kuzotora pfungwa dzavo dzekuti zvikoro zvivhurwe pakati paGunyana paita gadziriro yakakwana.

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati hapana
chekuchema sezvo vabereki, vadzidzisi nevadzidzi vaingoyambirwa kuti
vagare vakagadzirira kuvhurwa kwezvikoro chero nguva.

VaNdoro vati pamusoro pezvo zvikoro zvaifanirwa kunge zvakavhurwa
musi wa28 Chikumi asi zvakamiswa nekuda kwekupararira zvakanyanya kwechirweremcheCovid-19.

VaNdoro vati hapasati pave nezuva rekuvharwa kwezvikoro vachiti munyori mubazi rezvedzidzo achazivisa nekufamba kwenguva.

Vanorwira kodzero vanoti Zimbabwe iri kuvhura zvikoro pasina gadziriro yakakwana, uye muzvikoro musina zvikwanisiro panguva iyo nyika yakatarisana nedenda reCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena