Maitiro emabhizinesi pamwe nemafambisirwo emari nenzira dzisina kujeka muZimbabwe ari kuvhiringa huhupfumi hwenyika iyi, sangano reSentry rinodaro.
Sangano reSentry, iro rinoferefeta mafambisirwo ari kuitwa mari inowanikwa nenzira dzisina kunaka pamwe nekujeka, rinoti muzvinabhimisi, VaKudakwashe Tagwirei, vane mabhizimisi anopfuura makumi mana uye vane mari yavakaviga mumabhanga munyika dzinosanganisira Mauritius, Cayman Islands, South Africa nedzimwe.
VaTagwirei, avo vanova chipangamazano uye vari hama yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vakaruka dandemutande remakambani muchivande senzira dzekufambisa mari yavo vachibatsirwa nemadzisahwira avo muSouth Africa, mamwe makambani kuMauritius neCayman Islands.
Sentry inoti VaTagwirei, avo vari kubatanidzwa munyaya huru dzehuori muZimbabwe, vanowana rutsigiro rwehurumende rwekuita mabhizinesi avo asina kujeka kuruzhinji rweZimbabwe.
Gwaro iri rinotiwo, muna 2019, VaTagwirei vakabhadhara mamiriyoni akawanda emadhora kune imwe kambani yemauto eZimbabwe kuitira kuti kambani yavo, yeLandela Mining Ventures, ikwanise kutenga zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvekambani yeGreat Dyke Investiments, inochera platinum pamwe nekambani yekuRussia.
Gwaro iri rinotivo, VaTagwirei ndivo mukuru wekambani ine zvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana zvekambani yehurumende, yeKuvimba Mining House.
Sentry inoti gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoramba mashoko aya.
Studio7 haina kukwanisa kubata VaNcube kanawo VaTagwireyi nkuti tinzwe divi ravo sezvo vaviri ava vanga vasingabatike panharembozha dzavo.
Sentry inokurudzira nyika dzakapfuma kuti dzipindire mekumiswa kwemafambisirwo emari pasi rose nenzira dzisina kujeka.
Nyanzvi munyaya dzemabhizimisi uye vari mudzidzisi mukuru paDeVry University, kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti Sentry yakaita zvakanaka nekuburisa chikiribidi chiri kuitwa munyaya dzehupfumi.
Muzvinafundo Masocha vanoti kubudirira mune zvemabhizimisi hakuna kuipa kana kuchiitwa nenzira isingakanganisi hupfumi hwenyika sezviri kuitika muZimbabwe.
Pataenda pamhepo, gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe nemutauriri weZimbabwe Anti-Corruption Commission, VaJohn Makamure, vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira.
Sentry inoti hurumende yeZimbabwe yakapa kambani yaVaTagwirei yeSakunda Holdings mari inodarika bhiriyoni rimwe nemazana matanhatu emamiroyoni emadhora – one point six billion U S dollars, uye izvi zvinofanirwa kuferefetwa.
Muzvinafundo Masocha vanoti hurumende inofanirwa kupa vana muzvinabhizimisi vemuZimbabwe mikana yakaenzana, vachiti zviri kuitika pamakambani aVaTagwirei, zvnhu zvinosvibisa chimiro chehurumende.
Your browser doesn’t support HTML5