Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 11, 2019

Misoro yeNhau

Mutevedzeri wemutungamiri weZanu PF, uye vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vanoudza musangano weZanu PF wepagore kuti hurumende ichapinda zvakare muchirongwa chekutora mapurazi kuitira kuti apihwe vechidiki.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende sezvo madhokotera akawanda akange adzingwa basa asati adzokera kubasa sekurudziro yakaitwa nehurumende, izvo zvava kupa kuti muzvipatara muite mitsetse mirefu yevarwere vanenge vakamirira kuda kurapwa.

Hurumende yoronga kusungisa vanoita zvekutengesa nzvimbo dzekugara zvisiri pamutemo.

Vari kunze kwenyika vochema-chema nekukwira kwaita mari inobviswa nevari kunze kwenyika kuitira kuti vawane mapasipoti nekukasika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa danho rakatorwa nehurumende rekukwidza mari inobhadharwa kuti vari kunze kwenyika vawane mapasipoti avo zvechimbi chimbi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau, Chitatu Zvita 11, 2019