Misoro Yenhau Dzanhasi, Chishanu Ndira 29, 2016.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vosiya husachigaro hweAfrican Union kumusangano we AU uri kuitirwa ku Addis Ababa ku Ethiopia.

Kurwisana nekukandirana makobvu nematete koramba kuchienderera mberi muZanu PF.

Mapato anopikisa oshura zvikuru mashoko emutevedzeri wemungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti Zimbabwe inokoka vaongorori vesarudzo vanofarirwa chete nehurumende yeZanu PF.

Muridzi wechikwata che Motor Action, Va Eric Renson, vanoradzikwa nhasi kumarinda ekuGreendale Cemetary muHarare.

Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutarisa kupera kwehusachigaro hwe African Union hwaVaMugabe pamwe nemakakatanwa ari mubato ravo reZanu PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu Ndira 29. 2016