Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 06, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 06, 2018

Vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanomiswa pamberi pedare redzimhosva vachipomerwa nyaya dzehuori.

Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vanodzoka kumusha vachiti vakasainirana neChina zvibvumirano zvinomwe, izvo nyanzvi dzinoti hazvina zvazvinoreva kudzamara China yazadzisa vimbiso yayo.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vopinda muBulawayo mangwana kunoita musangano wavo wekutanga muguta iri.

Mutungamiri weNational People’s Party, uye vari mutungamiri wemapato ari muPeople’s Rainbow Coalition, Amai Joice Mujuru, vonyorera Zimbabwe Electoral Commission vachinyunyuta kuti seyi vasiri kukokwa kumisangano inopindwa nemapato achikurukura nezvesarudzo.

Dambudziko remari roramba richinetsa munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kuwanda kwaita mapato ezvematongerwo enyika pamberi pesarudzo dzichaitwa gore rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.