Misoro yedu yenhau dzanhasi, Chitatu, Mbudzi 28, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yedu yenhau dzanhasi, Chitatu, Mbudzi 28, 2018

MDC yoita musangano nevatori venhau muHarare ichikurudzira vanhu kuti varatidzire mangwana nekusafara nemamiriro akaita zvinhu.

Vamwe vagari vekuLupane vari kuchema chema nekusarira kwavanoti kwakaita dhorobha ravo vachiti izvi hazvienderani nekuve kwaro guta guru redunhu reMatabelelanda North.

Vanhu vatatu vanonzi vafa nechirwere checholera kuMt Darwin uye vamwe makumi matanhatu nevatanhatu vanonzi vari muchipatara parizvino.

Zimbabwe inonzi yasara nemafuta ekufambisa dzimotokari evhiki rimwe chete chete sezvo iri kutarika kuwana mari yekunze yekutenga mafuta aya.

Dare rinotonga nyaya dzekunetsana pakati penyika nemakambani ekunze riri muAmerica re International Centre for Settlement of Investment rinoti Zimbabwe inofanira kubhadhara mumwe murimi wekuGermany akatorerwa munda mari inosvika zana nemakumi mapfumbamwe mushure mekutorerwa purazi rake.

Muchirongwa cheLiveTalk-Diaspora Forum nhasi 8 pm zviri kuitwa nehurumende kuyedza kukwezva zvizvarwa zveZimbabwe zvine hunyanzvi kuti zvidzoke kuzoshanda munyika.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave