Misoro yedu yenhau dzanhasi, Chishanu, Mbudzi 30, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yedu yenhau dzanhasi, Chishanu, Mbudzi 30, 2018

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voparura hurongwa hwekuvakwa kweparamende itsva kuMt Hampden nemari iri kubva kuhurumende yeChina.

Komisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwevanhu muHarare nemauto musi wa 1 Nyamavhuvhu yotarisirwa kuburitsa gwaro rayo mangwana

Studio 7 yakabatana neMedia Centre yoita hurukuro nevagari veBulawayo kuRainbow Hotel nenguva dza 5.30 ichipera nenguva dza 7.30 manheru ano.

Madzimai akaremara anoti ari kusangana nematambudziko ekutyorerwa kodzero dzavo apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai nevanasikana.

Vatyairi vonetsekana nekuwana mafuta ekufambisa dzimotokari kunyangwe hazvo hurumende iri kuti vanhu vasavhunduke havo.

Tine hurukuro nemutambi werugby ane mukurumbira Tendai Mtawarira ari kushanya muno muAmerica.

Muchirongwa cheLiveTalk- na8 pm nhasi, tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika,

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 15460 ne (13860) Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 AM, (6175 ne 9875) Short Wave