Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 26, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weUganda, VaYoweri Museveni, vanovhura zviri pamutemo chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair muBulawayo vachikurudzira nyika dzekumadokero kuti dzibvise zvirango zvadzakatemera Zimbabwe.

Vagari vekuMasvingo vopenga zvikuru vachiti makanzuru avo haaifanirwa kunge akaenda kuZITF achitambisa mari inobhadharwa nevagari sezvo kuZITF kusina chaanowana chinosimudzira makanzuru emudunhu rose reMasvingo.

Zvizvarwa zvekuChina zvinomwe zviri kupomerwa mhosva yekuwanikwa zviine nyanga dzezvipemberere dzinorema makirogiramu makumi maviri zvinopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti zvitongwe zvichibva kudzimba dzazvo.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kugara muSouth Africa chinoudzwa kuti chinotorera kuZimbabwe vhiza mwana wacho akaberekerwa muSouth Africa makare kuitira kuti mwana uyu agare zviri pamutemo munyika iyi.

Rimwe dutumupengo reTropical Cyclone Kenneth rinorova zvakare Mozambique, Tanzania neComoros, mapazi ehurumende eMeteorological Service Department neCivil Protection Unit achipa maonero akasiyana.

Muchirongwa cheLiveTalk 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuZimbabwe International Trade Fair muBulawayo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 26, 2019