Kunyange hazvo chikwata chemaWarriors chakakundwa neEgypt neChishanu mumutambo wekutanga mumakwikwi eAfrica Cup of Nations, vakawanda vanoti Zimbabwe inokwanisa kuenda muchikamu chechipiri chemakwikwi kana ikakwanisa kukunda Democratic Republic of Congo neUganda.
Vakaona mutambo uyu havasi kurwadziwa zvakanyanya nekurohwa kwema Warriors, asi kuti vari kutoyemura matambiro akaita vakomana ava, avo vakapotsa vaita mangange neEgypt dai vakashandisa zvine hunyanzvi, mikana yavaiwana.
Kunze kwechibodzwa chakakandwa na Mohamed Ahmed Ibrahim Hassan uyo anodaidzwa kunzi Trezeguet, hapana zvakanyanya zvairatidza musiyano pazvikwata zviviri izvi zvekuti vakaona mutambo uyu vave kutarisira mitambo yasara neUganda neDemocratic Republic of Congo vaine chivimbo chakasimba.
Mumwe muteveri wenhabvu, VaTitus Goya, vanoti vaive vasingatarisire kuti maWarriors angatambe sezvavaita pamutambo uyu vachiti ivo kumberi kwechikwata ichi mumakundano aya kwakajeka.
Kunyange mutambi ane mukurumbira muSouth Afrca, Teko Modise weMamelodi Sundowns, uyo aive paterevhizheni achiongorora mutambo uyu, akatiwo Zimbabwe yakaratidza kuti munhabvu hamusisina zvikwata zvinodaidzwa kunzi zvidiki.
Muongorori wemutambo wenhabvu muZimbabwe, VaFarai Kambamura, vanoti Zimbabwe yakaratidza Africa yose kuti ine tarenda renhabvu rakasimba zvikuru vachiti zvakaitika izvi zvakashamisa vakawanda.
Zimbabwe iri kusangana neUganda neChitatu vachizopedzisa mitambo yegungano reGroup A nemutambo neDemocratic Republic of Congo neSvondo.
Asi mumwe muteveri wenhabvu muZimbabwe, VaOliver Musongoro, vanoti vachitarisa matambiro akaita chikwata ichi neEgypt, Zimbabwe inokunda mumitambo yayo yasara muGroup A.
Zimbabwe ikawana mapoinzi mana kubva mumitambo iyi, inokwanisa kuenderera mberi nemakundano aya munharaunda yechipiri.
Asi VaKambamura vanoti pane zvishoma zvinoda kugadziriswa kuti Zimbabwe ibudirire pamitambo yasara iyi.
Zimbabwe ine mumwe mukana zvekare wekuenderera mberi nekurwira mukombe sezvo veCaf vachatarisawo zvekare zvikwata zvichapedza zviri pachinhanho chechitatu mumagungano ese asi zviine mapoinzi akawanda.
Zimbabwe iri kuda kekutanga kubva muna 1980 kubudirira kusvika munharaunda yechipiri yemakundano makuru enhabvu muAfrica aya.
Uganda ndiyo iri kutungamira muGroup A, ichiteverwa neEgypt, kozoti Zimbabwe, pasi paine Democratic Republic of the Congo.